WASHINGTON —
Makwikwi eAfrica Cup of Nations (AFCON) aenderera mberi neChipiri kuEquitorial Guinea apo chikwata cheCote d’Ivoire chaita mangage 1 -1 neGuinea.
Zvikwata zviviri izvi zviri muGroup D uye mutambo wechipiri muGroup rimwe chete uri kutambwa manheru eChipiri pakati peCameroon neMali.
Nemusi weMuvhuro chikwata cheBafana Bafana chekuSouth Africa chakaodza moyo vatsigiri vacho apo chakakundwa 3-1 neAlgeria.
Chakanyatsorwadza vatsigiri vakawanda ndechekuti chikwata ichi chakamwisira Algeria ndokuzotadza kumwisa penalty.
Mumwe mutambo wakatambwa zuva rimwe chete muGroup C, Senegal yakakunda Ghana 2-1.
Nyanzvi inoongorora zvemitambo yenhabvu, VaMuziwethu Hadebe, vanoti mitambo iyi yakakosha nokuti ndipoi pachabuda shasha yenhabvu muAfrica.