Accessibility links

America Inoparura Chirongwa cheGreen Card muZimbabwe


Diversity Visa Program

Muzinda weAmerica muZimbabwe svondo rino wakaparura chirongwa cheDiversity Visa Program, kana kuti Green Card, icho chinopa mukana wekunogara kuAmerica kuvanhu vanobva kunyika dzine vanhu vashoma vanoenda kunyika iyi pasi rese.

Mutauririri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, VaDavid Maguire, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvine mukana wekuwana mavhisa ekunogara kuAmerica pasi pechirongwa chavo chinoitwa pasina mubhadharo.

VaMaguire vanoti vanhu vanofanira kuenda padandemutande remuzinda weAmerica kwete kupa vanhu mari.

Vanoti gore rega rega pane vanhu vanobirwa mari yakawanda nemakoronyera anenge achivanyepera kuti anokwanisa kuvapa mukana wekuwana mavhisa aya.

Pasi pechirongwa che Diversity Visa program, vanhu vanenge vanyoresa vanopinda mulottery America ichizodoma vanenge vaita rombo rakanaka.

Asi zvinodiwa ndezvekuti munhu anofanira kuratidza humbowo hwekuti anokwanisa kuzvibhadharira ndege kuenda kuAmerica pamwe nekukwanisa kunozvichengeta kana kuzvishandira kuAmerica sezvo chirongwa ichi chiri chekupa vhisa chete.

Hurumende yeAmerica inopa mavhisa zviuru makumi mashunu pasi rese uye zviuru zvisere kana zvipfumbamwe zvemavhisa aya zvinoenda muAfrica.

Gore rega rega Zimbabwe inowana mavhisa aya makumi mashanu kana kudarika.

Vanoda kunyorera kuwana vhiza iri endai pa website iyi:

https://zw.usembassy.gov/diversity-visa-2019-campaign/

Pane mashoko ekuti hurumende yaVaDonald Trump ine hurongwa hwekumisa chirongwa ichi.

Asi VaMaguire vanoti havana zvavangataura pamusoro penyaya iyi sezvo usati wave mutemo. Vanoti kongiresi yeAmerica ine mvumo yekudzika mutemo wainoda nguva ipi.

VaTerry Mutsvanga avo vakaomboenda kuAmerica pasi pechirongwa che Mandela Washington Fellowship, vanoti VaTrump vanofanira kurega chirongwa cheDiversity Visa chiripo sezvo chichibatsira vanhu vakawanda pasi rese.

Hurumende yaVaTrump iri kuda kuderedza huwandu hwevanhu vanobva kudzimwe nyika vachinogara muAmerica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG