Accessibility links

Breaking News

Great Zimbabwe University Inokanzura Kunyorwa kweBvunzo


Zimbabwe Students Union
Zimbabwe Students Union

Chikoro cheGreat Zimbabwe University, GZU, chambomisa kunyorwa kwebvunzo kwaida kuitwa padandemutande kutanga musi weMuvhuro zvichitevera kuchema chema kwevadzidzi vakawanda avo vaiti vanogona kutadza kunyora nepamusana pekushaiwa mari yekushandisa madandemutande.

Munyori wepachikoro ichi, Amai Sinikiwe Gwatidzo, vabudisa chiziviso nhasi masikati mushure mekubvunzwa ne Studio 7 kuti mazamanishoni achaenderera mberi here nekuchema chama kuri kuita vadzidzi.

Amai Gwatidzo vaudza vadzidzi kuti chikoro chichazivisa vadzidzi kuti vachanyora rini bvunzo munguva inotevera.

Mumwe mudzidzi ada kuzivikanwa nekuti mukoma Shokoz, ati iye kwaanogara kuChipangayi kuMwenezi hakubati masai sai eindaneti.

Bvunzo dzaifanirwa kutanga kunyorwa musi weMuvhuro 23 Kukadzi dzichipera musi wa 12 Kurume.

Vadzidzi vanoti kutenga dhata panhare dzavo kunodhura sezvo vamwe vasina maWifi mudzimba, uye vanogara kumaruwa kumwe hakubati masaisai.

Mumwe mudzidzi angoda kudaidzwa nerekuti Muzvare Janet Nyoka, ati kutenga dhata reEconet, Telecel ne Netone zvinodhura zvikuru zvekuti vabereki vavo havakwanisi kuwana mari inodiwa.

Mutauriri weGreat Zimbabwe University, VaAnderson Chpatiso vatenda kuti bvunzo dzambomiswa.

Chikoro ichi changa chichida kunyoresa bvunzo pamasaisai sezvo zvikoro zvakavharwa nenyaya yenational lockdown yakawedzerwa munyika.

Mune imwewo nyaya sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights raendesa bazi rezvehutano, bazi remvura, pamwe nekambani yemagetsiyeZesa, kumatare edzimhosva richida kuti chipatara chevanorwara nepfungwa cheNgomahuru chiwane mvura sezvo chave nemwedzi miviri chisina mvura.

Kushaikwa kwemvura kuri kuita kuti vepachipatara apa vandogezezsa varwere kurwizi rwe Magwangwadza urwo rune makare anorura uye vachivaisa panjodzi yekuyeredzwa nemvura mumazuva ano emafashamu.

Gweta reZLHR, VaMartin Mureri, vati vakaisa chikumbiro chechimbi chimbii mudare nezuro manheru.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapazi aendeswa kumatare aya kuti anoti kudiyi nedanho ratorwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu.

Asi mutauriri weZINWA, Amai Marjory Munyonga, vakaudza Stduio7 kuti dambudziko rakagadziriswa raiva rekushaikwa kwemagetsi kuti vapombe mvura asi vechipatara ichi vanoti mvura haisati yava kuwanikwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG