Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kudya Chikafu Chakawedzerwa Zvinovaka Muviri


Vitamins What To Do

Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vatenge chikafu chakauchikwa kuitira kuti chive nechikafu chinovaka muviri izvo zvinoita kuti vanhu vave nehutano hwakanaka.

Vachitaura pamusangano wekudzidzisa mapazi ehurumende pamwe nevatapi venhu nezvechikafu chinovaka muviri, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa munyaya dzezvekudya kune utano mubazi rezvehutano, VaDexter Chagwenya, vati vanhu vazhinji vari kudya zvikafu zvisina zvinhu zvinodiwa mukuvaka muviri.

VaChagwenda vanoti kushaikwa kwezvinovaka muviri kunokonzera kuti vanhu vabatwe nezvirwere zvinokonzerwa nekushaiwa hkwezvinovaka muviri.

VaChagwenda vakurudzira kuti vanhu vadye zvikafu zvakaita sehupfu, mafuta ekubikisa, munyu negorosi zvakapamidzirwa zvikwanisiro izvi, kana kuti fortified foods.

Vati hurumende yakabvumidzamakambani anogadzira zvikafu zvakita seupfu, mafuta ekubikisa pamwe nezvinwiwa zvakaita kuti zviuchikwe kuitira kuti vanhu vawane hutano hwakakwana munyika

VaChagwenya vakurudzira madzimai pamwe nevana vadiki kuti vange vachikoshesa kuwana chikafu chakauchikwa, sezvo kazhinji vari ivo vanonyanya kusangana nedambudziko rekushomeka kwezvikwanisiro izvi mumiviri yavo, izvo zvinozoita kuti vabatwe nezvirwere zvakasiya-siyana.

Vachitaurwo pamusangano mumwe chete uyu, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mukugadzirwa kwembeu, kukambani yeHaverst Plus, VaSimbarashe Mudani, vati kumaruwa kune vasingakwanisi kutenga zvikafu zvakauchikwa nezvinovaka muviri, nokudaro vanhu ava vanofanirwa kutenga mbeu dzakauchikwa nechekare.

Vati mbeu idzi dzikarimwa dzinobudisa chikafu chine zvinovaka miviri yevagari vekumaruwa.

Vati varimi vanofanirwa kukoshesa kutenga mbeu yechibage, nyemba, mbatatisi nedzimwe dzakasiyana-siyana kukambani yavo sezvo ine mbeu dzakauchikwa kare.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reWorld Food Programme muZimbabwe, VaTatenda Macheka,vati vatori venhau vanofanirwa kuburitsa nhau dzinobata kukosha kwekudya chikafu chine zvinovaka muviri.

Bazi rezveutano rinoti vanhu vazhinji munyika vari kudya zvikafu zvisina zvinovaka hutano nenyaya yehurombo izvo zvinokonzera kuti vabatwe nezvirwere votadza kurarama kwenguva yakareba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG