Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuita Ongororo Pamusoro peDambudziko reCovid-19


Munyori weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaNorman Matara
Munyori weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaNorman Matara

Hurumende iri kukurudzirwa kuita ongororo yakakwana yekuona kuti vanhu
vakaremara vari kubatwa nenzira dzipi nechirwere cheCovid-19 kuitira kuti igotora matanho akafanira sezvo vakawanda vevanhu ava vari kutambura zvikuru nekuda kwechirwere ichi.

Nepamusana pekuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchikwira, vanorwira kodzero dzevakaremara vari kukurudzira
hurumende kuti iwedzere rubatsiro rwayo kune veruzhinji kunyanya
vakaremara sezvo vachiti hupenyu hwavo huri kuvaomera nekuda kwekuvepo kwechirwere cheCovid-19.

Kurudziro iyi yakabuda pamusangano wakaitwa muGweru nezuro pakati pesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights nemamwe masangano anoshanda akazvimirira.

Muzvare Belinda Musesengwe vesangano reMidlands Association for the
Protection and Welfare of the Blind, vakati vakaremara vakawanda vanorarama nekupemha vamwewo vachirarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa.

Muzvare Musesengwe vakati kunyange hazvo hurumende yakarerutsa mitemo yelockdown, vakawanda vakaremara havasi kukwanisa kuwana chauviri nekuti veruzhinji havana mari nekuda kwekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi munyika.

Vakati kunyange hazvo hurumende yakaisa chirongwa chekubatsira
vanotambura nekuvapa mari yekubatsirikana panguva yeCovi-19, vakaremara vakawanda havazi kuwana mari iyi izvo zviri kuita kuti zvinhu
zvivawomere.

Muzvare Musesengwe vakatiwo rimwe dambudziko guru rinosangana
nevasingawone kunyanya inyaya yekushaya ruzivo rwakakwana pamusoro
pechirwere cheCovid-19.

Mukuru wesangano reQuadriplegic and Paraplegic Association of Zimbabwe, Amai Audry Rusike, vakatiwo vakaremara vakawanda
vanoda zvikwanisiro zvinovabatsira mukurarama kwavo nguva nenguva asi
nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu, vakawanda vavo havakwanise kuzvitenga.

Vachipa muenzaniso wevanhu vanorarama nechirwere cheCerebral Palsy,
Amai Rusike vakati zvakakosha kuti painoiswa mitemo seyekuedza
kudzivirira chirwere cheCovid-19 zvakakosha kuti hurumende iyeuke kuti
kune vakadaro.

Munyori mukuru wesangano Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vakaudza Studio 7 kuti zvimwe zvezvakabuda pamusangano uyu zvakakosha zvikuru sezvo zvichibudisa pachena mamwe matambudziko ari kusangana nevakaremara panguva ino yedambudziko reCovid-19 asiri kutaurwa nezvawo.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kuita misangano yakadai munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika nechinangwa chekuda kunzwa matambudziko ari kusangana neveruzhinji pakatariswa dambudziko reechirwere cheCovid-19 kuitira kuti rigokwanisa kupangana mazano anozobatsira kuhurumende.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti vanhu vaviri vakafa munyika nechirwere cheCovid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pamazana matatu negumi nevatanhatu.

Hurumende yakazivisawo kuti vanhu zana nemakumi masere nemumwe chete, vakabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vose ava, vanhu vagara vari munyika.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru gumi nezviviri nemakumi mana nevanomwe, kana kuti 12, 047.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vava zviuru zvipfumbamwe nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevana, zvichitevera kupora kwevanhu makumi mashanu nevasere.

Vanhu vachiri kurwara nechirwere ichi vava chiuru nemazana masere
nemakumi matatu nevanome, kana kuti 1,837.

Huwandu hwatazivisa uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvabuda muongororo dzaitwa neMugovera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG