Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Vakavhiringwa neGukurahundi Vowaniswa Magwaro Anga Achinetsa


Gukurahundi Graves 1
Gukurahundi Graves 1

Hurumende inoti yave nehurongwa hwekuti vana kana hama dzevanhu vakabatwa nenyaya yeGukurahundi vave kukwanisa kuwana magwaro ekufa kwehama dzavo pamwe nemagwaro ekuzvarwa senzira yekugadzirisa zvimwe zvezvichemo zvange zviripo zvine chekuita nenyaya yeGukurahundi iyi.

Hurongwa uhu hwaziviswa kuvatapi venhau mushure memusangano waitwa nhasi muBulawayo pakati pemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega ari pasi pechikwata cheMatabeleland Collective nemunyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza.

Amai Mabhiza vati zvichitevera musangano wakaitwa pakati pemasangano aya nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muBulawayo mwedzi wapera, hofisi yemutungamiri wenyika ichishanda nemamwe mapazi ehurumende yakaita hurongwa hwekugadzirisa zvichemo zvaive zvaturwa nevemasangano aya zvakawanda zvacho zvine chekuita neGukurahundi.

Amai Mabhiza vaudza Studio7 kuti vange vauya kuzotura gwaro rine hurongwa uhu, kana kuti implementation matrix muChirungu, kumasangano vachitiwo bazi raRegistrar General rakatoziviswa kuti rave kufanirwa kuwanisa magwaro ekufa neekuzvarwa evanhu vakabatwa neGukurahundi.

Kuwana magwaro ekufa evanhu vakauraiwa panguva yeGukurahundi uye magwaro ekuzvarwa evana vevanhu ava ndechimwe chinhu change chichinetsa.

Amai Mabhiza vazivisawo vanhu kuti vave kukwanisa kuviga zvakanaka hama dzavo dzakaurayiwa panguva yeGukurahundi mushure mekunge vazivisa mapazi ehurumende akafanira.

Mumwe murwi yehondo yerusununguko pasi pemauto eZIPRA avo vange varipowo pamusangano uyu, Retired Colonel Baster Magwizi, vati hurongwa uhu hwakanaka asi vati maonero avo ndeekuti zvakakosha ndezvekuti patange paitwa hurongwa hwekureurura nekutaura chokwadi pamusoro peGukurahundi.

Vachipindura mubvunzo wekuti vanoti chii nemaonera evamwe ekuti hurongwa uhu inzira yehurumende yaVaMnangagwa yekuda kubata nayo vanhu kumeso pakugadzirisa nyaya yeGukurahundi, Amai Mabhiza vati vanhu vanofanirwa kupa hurumende nguva kuti vaone kuti hurongwa uhu huchabudirira here kana kuti kwete.

Imwe nhengo yemutabanidzwa weMatabeleland Collective, Muzvare Magodonga Mahlangu, vaudza Studio7 kuti vari kufara nekuti hurumende yaburitsa gwaro rine hurongwa hwekugadzirisa zvinyunyuto zvevanhu vachiti izvi zvinoita kuti vanhu vakwanise kutaura zvinenge zvisina kugadziriswa.

Vamwe varwiri vekodzero dzevanhu vanoti Gukurahundi yakaita kuti dzimwe nzvimbo dzemumatunhu eMatabeleland neMidlands dzisaririre munyaya dzebudiriro.

Pakaitika gukurahundi, VaMnangagwa ndivo vaive gurukota revasori nekuchengetedzwa kwehurumende.

Nyaya yekusimudzira matunhu eMatabeleland munyaya dzebudiriro nekuvaka zvikoro pamwe namakiriniki uye kuendeswa kwemasimba kumatunhu ndezvimwe zviri kuvimbiswa nehurumende kuti ichagadzirisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG