Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inodzikisa Mutengo weHupfu


A family in Chachacha village in Chipinge prepares Zimbabwe’s popular, thick porridge called sadza made of corn meal and served with relish, March 2016. Most households eat sadza twice a day, at lunch and dinner. But as the country’s hunger worsens, the s
A family in Chachacha village in Chipinge prepares Zimbabwe’s popular, thick porridge called sadza made of corn meal and served with relish, March 2016. Most households eat sadza twice a day, at lunch and dinner. But as the country’s hunger worsens, the s

Hurumende yadzikisa mutengo wehupfu senzira yekubatsira veruzhinji avo vakatarisana nenhamo inotyisa yekushaya mari nechikafu.

Pasi pehurongwa hwazivisa, mutengo wemakirogiramu gumi ehupfu hweRoller Meal wadzika kubva pamadhora anodarika zana kusvika pamakumi mashanu emadhora.

Muchizivisa chavo, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vati zvavaita izvi zvinotevera zvakataurwa nemutungamiriri wenyika,VaEmmerson Mnangagwa, masvondo maviri apfuura.

VaNcube vati pasi pechirongwa ichi, hurumende ichatenga matani zviuru makumi mana echibage nemutengo wepamusika ichaatengesa nemutengo uri pasi kune vanogaya hupfu, veGrain Millers Association of Zimbabwe kana kuti GMAZ.

VaNcube vati hupfu hweRoller Meal uhwo hunodyiwa nevakawanda ndiwo chete huchaderedzwa mutengo pasi pechirongwa ichi.

Sachigaro veGMAZ, VaTafadzwa Musarara, vaudza Studio7 kuti nhengo dzesangano ravo dzatotanga kuita zvataurwa nehurumende.

Vamwe vataura neStudio7 vafarira kuderedzwa kwemutengo wehupfu vachiti kukwira kwemutemo hwehupfu kwange kwavaomesera zvikuru.

Mumwe wevanhu ava ndiVaPrevious Moyo avo vanoti varerukirwa zvikuru nezvaitwa izvi.

Amai Samantha Chipeta vanoti vatambira nemufaro danho ratorwa nehurumende uye vati chasara kuona kuti vezvitoro vanotevedza here zvaitwa izvi, sezvo kwavanogara mutengo hwehupfu hausati wadzika.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo danho ratorwa nehurumende rakanaka, hurumende inofanira kugadzirisa chakamboita kuti ikwidze mutengo hwehupfu mwedzi wapfuura.

Hurumende yadzikisa mutengo wehupfu panguva iyo sangano reWorld Food Program riri kupemha mari yekuti itengere vanhu veZimbabwe chikafu.

Sangano iri rinoti munyika mune vanhu mamiriyoni manomwe nemazana manomwe ezviuru vanoda chikafu kusvika mwaka wekukohwa gore rinouya.

World Food Program inoti kusvika pari zvino yawana chete mari iri pasi pezvikamu makumi matatu kubva muzana, zvichireva kuti pachine mutoro mukuru kuti iunganidze mari yose inodiwa inoita 293 million U-S Dollars.

Zimbabwe haina kuita goho rakanaka gore rino nepamusana pezvikonzero zvakati kuti, izvo zvinosanganisira kushanduka kwemamiriro ekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG