Accessibility links

Breaking News

VaGono Vodaidzwa Zvakare neKomiti yeParamende


VaGideon Gono
VaGideon Gono
Mutauriri wedare reparamende, VaLovemore Moyo, vanoti komiti yeparamende inoona nezvekurima ine kodzero yekusheedza zvakare mukuru weReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, VaGideon Gono, kana iine humbowo hwairi kuda kubva kwavari.

Vachipindura mibvunzo kubva kuvatori venhau pamusoro penyaya dziri kubuda mumapepanhau dzekuti komiti iyi iri kushungurudza VaGono pamusoro penyaya yekupihwa kwakaitwa zvinhu zvekurimisa pasi pechirongwa cheFarm Mechanisation neRBZ, VaMoyo vati wese anenge akokwa anofanira kushanda nekomiti iyi, vachiti komiti iyi inenge ichiita basa rayo reparamende zviri pamutemo.

Kunyange hazvo VaGono vakatombomira pamberi pekomiti iyi vachivimbisa kuipa mazita evanhu vakapihwa matarakita nezvimwe mwedzi miviri yapfuura, komiti iyi inoti ichine humwe humbowo hwairi kuda kunzwa kubva kuna VaGono panyaya iyoyi.
Asi munyori weparamende, VaAustin Zvoma, vaudza musangano wekuoongorora mashandiro emakomiti eparamende wange wakarongwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, kuti mamwe makomiti ari kupedza nguva achiita basa risiri rawo.

Vapa semuenzaniso komiti yezveparamende panyaya yaVaGono vachiti komiti iyi haina kodzero yekuongorora VaGono panyaya iyi vachiti komiti ine kodzero yekuongorora nyaya iyi, ikomiti inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende.

Asi VaZvoma vatiwo zvakakosha kuti makomiti eparamende aite basa rawo nemazvo, kwete kupindira basa remamwe mapazi ehurumende.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paWestminster University kuLondon, vanoti hapana chakaipa pakubvunzurudzwa zvakare kuri kuda kuitwa VaGono vachiti vanhu vanoti izvi zvakaipa ndevaya vakapihwa matarakita pasi pechirongwa ichi.

Kunyange hazvo VaGono vakaudza komiti iyi kuti chirongwa chekupa vanhu matarakita nezvimwe zvekurimisa chainge chaitwa pasina tsvete, humbowo huripo hunoratidza kuti vane chekuita nebato reZanu PF ndivo vakabatsirikana pachirongwa ichi.

Vamwe vashandi vaive pachirongwa ichi vakasiya basa kuRBZ vanoti vaipihwa mazita ekupa vanhu zvinhu kubva kuZanu PF uye vamwe vaipihwa zvinhu vasingazvidi.

Zvimwe zvezvinhu izvi zvakatotengeswa. Sachigaro wekomiti yezvekurima, VaMoses Jiri, vanoti vari kuda kuona kuti vanhu vakapihwa zvinhu izvi vaikodzera here nezvimwe zvakadaro, uye vangani vakabhadhara mari yezvinhu zvavakapihwa.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG