Accessibility links

Breaking News

Global Witness Inodoma Vari Kuita Chikiribidi paMangoda


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu zvikuru munyaya dzezviwanikwa, reGlobal Witness, rinoti rine humbowo hwekuti vakuru muZanu-PF, vachishanda nemauto mapurisa nevasori, vari kushandisa zviwanikwa zvenyika kunyanya mangoda kuumba hurumende yeparutivi kana kuti parallel government izvo zvovhiringidza mashandiro ehurumende yemubatanidzwa.

Mugwaro rayo rinonzi "Financing a Parallel Government?", Global Witness inoti vanoona nezvekudzivirirwa kwemukati nekunze kwenyika vari kushanda nemumwe murume wekuHong Kong anonzi Sam Pa, uyo anonzi akapa bazi revasori mari inosvika zana remamiriyoni emadhora, iyo yakashandiswa kutenga zvikakarara zvemotokari dzevasori dzeNissan NP300 Hardbody dzinodarika mazana maviri.

VaPa vanonzi vanoshanda nemakambani akawanda munyika ane nhengo dzevasori dzinosanganisira VaGift Kalisto Machengete, VaPritchard Zhou uye VaMasimba Ignatius Kamba vanova vakuru mukambani inonzi Sino-Zimbabwe Development. Kambani iyi inoita zvekucherwa kwemangoda uye kutenga donje.

Global Witness inoti VaPa vanouya munyika nendege yeAirbus A 319CJ yavo mbune votora mangoda vodzokera kuChina.

Gwaro reGlobal Witness riri kuburitsawo mazita evanhu vari mukambani yeAnjin iyo inonzi ine mauto nevasori.

Vakuru mukambani iyi vanosanganisira munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika, VaMartin Rushwaya, komishina kuchipurisa, VaOliver Chibage, Brigadier Charles Tarumbwa, Retired Colonel Romeo Daniel Mutsvunguma nevamwe.

Kambani yeAnjin mubatanidzwa wekambani wekuChina nehurumende yeZimbabwe iyo inomirirwa neZimbabwe Mining Development Corporation. Asi vamwe muhurumende vanoti havazive nezveAnjin.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti Anjin haina mari yairi kuunza muhomwe yenyika.

Asi gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, varamba mashoko ekuti pari kuitwa huori panyaya yekutengesa mangoda vachiti vanhu vari kuburitsa mashoko aya vanhu vanoda kusvibisa nyika.

Asi mutauriri weGlobal Witness, VaNick Donovana, varamba mashoko ekuti vari kuda kungosvibisa hurumende.

Sangano iri rakurudzirawo kuti vedare reparamende yeZimbabwe, pamwe neSADC, vanofanira kuongorora mashandiro eAnjin uye kambani yeSino Zimbabwe.

Ratiwo vanhu havafanire kutenga mangoda ekwaMarange kusvika zvajeka kuti makambani ariko akamira sei.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti Global Witness yabaya dede nemukanwa.

XS
SM
MD
LG