Accessibility links

Breaking News

Global Fund Inokurudzirwa Kuti Isapa Zimbabwe Mari yeRound 10?


Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvizhinji zvakaitwa ne Zimbabwe mukurwisa HIV/AIDS zvinogona kudzokera kumashure kana sangano reGlobal Fund rikatambira zvarinonzi rakakurudzirwa nekomiti yaro yeTechnical Panel kuti risapa Zimbabwe mari yemu Round 10 yekurwisa hutachiwona hwe HIV/AIDS neTB munyika.

Chiremba vanoshanda nesangano re Medecins Sans Frontiers, VaGilles Van Cutsem, vanoti Zimbabwe ikanyimwa mari zvichakanganisa donzvo revashandi vehutano rekurwisa kupararira kweHIV.

Va Cutsem vanoti dzimwe nyika dzemudunhu dzakaita seZambia, Mozambique, Malawi ne Lesotho dzakakurudzirwawo kuti dzisapihwewo mari zvekuti dunhu rese riri kunetseka nenyaya iyi.

Va Cutsem vanoti nyika idzi dzinofanirwa kugara pasi nechimbi chimbi kuitira kuti dzitsvage dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari kune vamwe vakazvimirira vega kuitira kuti dzienderere mberi nekurwisa hutachiwona.

Nguva zhinji zvinenge zvakurudzirwa neTechnical Panel ndizvo zvinotambirwa nebhodhi re Global Fund.

Mutauriri weGlobal Fund, Va Jon Liden, vanoti hachisi chinhu chitsva chekuti nyika dzinogona kunyimwa mari yadzinenge dzakumbira. Asi VaLiden havana kuda kubuda pachena pane zvinonzi zvakakurudzirwa nekomiti yeGlobal Fund.

Zimbabwe inonzi yainga yakumbira US$170 million yekurwisa HIV uye US$50 million yekurwisa TB.

Mukuru anoona nezvezvirongwa muNational Aids Council, Va Raymond Yekeye, vanoti Zimbabwe yava kutofunga kuti yotsvaga kupi imwe mari yekutsigira zvirongwa zvayo zveHIV/AIDS, sezvo zvinhu zviri kuratidza kuti hazvina kumira zvakanaka kuGlobal Fund.

XS
SM
MD
LG