Accessibility links

Breaking News

Vanasikana Vombunyikidzwa Vakamirira Mvura kuZvibhorani kuMasvingo


Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water
Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water

Vabereki vemudhorobha reMasvingo vari kuchema chema zvikuru vachiti vanasikana vavo vari kubatwa batwa zvisiri pamwero apo vanenge vari kuzvibhorani vachichera mvura munguva dzemanheru.

Izvi zvakabuda nemusi weChina pamusangano wekuongorora dambudziko remvura wakarongwa nesangano re Masvingo United Residents and Rate Payers Alliance, MURRA, mumusha weRunayararo West.

Vabereki vakawanda vakaratidza kushushikana zvikuru nekushaikwa kwemvura mudzimba dzavo, izvo zvava kupa kuti vanasikana vamirire mvura yemuzvibhorani munguva dzemanheru.

Vabereki ava vakati pane varume vasiri kuzvibata avo vari kubata vanasikana ava nhengo dzavo dzepamuviri vachivambunyikidza.

Dambudziko remvura mudhorobha reMasvingo rave nemwedzi yakawanda kubva pakatangwa kudzimwa magetsi kunopombwa mvura ku Bushmead kudhamu reMutirikwi, uye rakawedzerwa masvondo matatu apfuura apo muchina unopomba mvura wakafa.

Mumwe mubereki, Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti vana vavo vanoswera muraini remvura kuzvibhorani uko vanosangana nevakomana pamwe nevarume vanovabata zvisiri pamwero.

Mumwe mubereki vasiri kufara nezviri kuitika kuzvibhorani izvi, Amai Tracy Musakanda, vanoti vamwe vanasikana vari kusvika pakuita nhumbu uye vamwe vachizosangana nezvirwere zvepabonde nenyaya iyi.

Nyaya idzi dzinonzi dziri kuitika zvikuru munzvimbo dzinogara veruzhinji dzakakita seRunyararo West, Sisk, Mucheke D, Majange pamwe chete nekuVictoria Range uko kune dambudziko remvura guru.

Mukuru wemabasa kuMURRA, VaAnoziva Muguti, vari kukurudzira vabereki kuti vaperekedze vanasikana kumvura nguva dzemanheru uye kuti kanzuru igadzirise dambudziko remvura nekukasika.

Kanzera weWard 3 vaiva pamusangano uyu, VaTarusenga Vhembo, vakati vane urombo nenyaya dzakadai, vakatiwo vari mubishi rekugadzirisa dambudziko remvura mudhorobha.

Nhengo inomirira Masvingo Urban muNational Assembly, VaJacob Nyokanhete, vakakurudzira vabereki kuti vamhang'are nyaya dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwevanasikana kuitira kuti vanenge vachityora mitemo yenyika, vasungwe nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kuziva huwandu hwevanasikana vanonzi vari kumbunyikidzwa kuzvibhorani.

Mapurisa emuMasvingo anoti ari kunzwawo nyaya idzi nerunyerekupe, asi hadzisati dzamhang'arwa zviri pamutemo.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vakati muchina wakafa wakaendeswa kuBulawayo kunogadzirwa uye unotarisirwa kudzoka pakupera kwesvondo rino, izvo zvichaita kuti dambudziko iri ritapudzwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG