Accessibility links

Breaking News

General Colin Powell Vanoshaya Mushure Mekurwara neCovid-19


VaColin Powell
VaColin Powell

General Colin Powell avo vakava munhu mutema wekutanga kuva gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica vakashaya neMuvhuro mushure mekurwara nechirwere cheCovid-19.

VaPowell vanonzi vange vakabayiwa nhomba dzose dzeCovid-19 asi vainge vari pavanhu vari munjodzi yekufa nechirwere ichi sezvo vange vaine gomarara muropa mavo zvinopa kuti masoja emuviri akundikane dzimwe nguva kudzivirira kufa neCovid-19.

VaPowell vange vave nemakore makumi masere nemana. Mhuri yaVaPowell yaburitsa mashoko erufu rwavo padandemutande ravo reFacebook vakatenda vashandi vepachipatara chemauto muAmerica cheWalter Reed National Medical Center pedyo neWashington DC. VaPowell vakaita gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika kubva muna 2001 kusvika 2005 muhurumede yevaive mutungamiri wenyika VaGeorge W. Bush.

General Powell vainge vari mumauto kwemakore makumi matatu nemashanu uye vakava sachigaro wemauto ose kana kuti Joint Chiefs of Staff kubva muna 1989 kusvika 1993 pasi pehurumende yaVaGeorge H. W Bush, baba vava George W. Bush uye vakashanda muhurumende yaVaBill Clinton.

VaGeorge Bush naGen. Colin Powell
VaGeorge Bush naGen. Colin Powell

Kubva muna 1987 kusvika 1989 vainge vari chipangamazano chemutungamiri wenyika VaRonald Reagan.

Kunyangwe vainge vari vebato remaRepublians muna 2008 vakati vaitsigira VaBarack Obama musarudzo dzemutungamiri wenyika vaive kubato remaDemocrats.

VaPowell avo vakaudza United Nations muna 2003 kuti Iraq yaive nezvombo zvenuclear nemimwe michetura zvakazopa kuti hurumende yaVaSaddam Hussein ipidigurwe nemauto eAmerica vakazokumbira ruregeroro vachitenda kuti chaisava chokwadi.

Muzvinafundo Moses Ruman vanodzidzisa paFriends University kuOhio muno muAmerica vaudza Studio 7 kuti VaPowell vakaratidza kuti munhu mutema akapihwa mukana anokwanisa kutungamira pasina dambudziko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG