Accessibility links

Breaking News

Kushungurudzwa kweNgochani Korwadza Masangano eKodzero dzeVanhu


Human Rights Watch
Human Rights Watch
Nekuona kwarinoti kushungurudzwa nemapurisa kwenhengo dzesangano rengochani, reGays and Lesbians of Zimbabwe, GALZ, kusiri kupera, sangano reHuman Rights Watch ranyorera tsamba kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, richida kuti vapindire.

Sangano iri rinoti mapurisa haasi kubva pamahofisi eGALZ, uye ari kuramba achishungurudza nhengo dzesangano iri.

Human Rights Watch inoti maitiro emapurisa anotyora kodzero dzenhengo dzesangano iri.

Nhengo yeHuman Rights Watch muSouth Africa, Muzvare Tiseke Kasambala, vaudza Studio7 kuti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nezviri kuitika muZimbabwe. Vatiwo vanovimba kuti vatungamiri vaviri ava vachatorawo matanho akakodzera.

Asi vamwe vanoti hapana chikuru chinoburitswa nedanho iri, sezvo VaMugabe vagara vachishoropodza pamwe nekunyomba ngochani.

Sangano remuAmerica reRobert F. Kennedy Center for Justice and Human Rights raburitsawo gwaro rinoshorawo kushungurudzwa kwenhengo dzeGALZ, richiti ichi chiratidzo chezvinetswa zviri mberi zvicharamba zvichisangana nenhengo idzi.

Mapurisa anonzi akasecha mahofisi esangano reGALZ muHarare pamwe nekumbosunga nhengo makumi mana neina dzesangano iri.
Mapurisa naonziwo ari kupomerawo mutungamiri wesangano iri, Chesterfield Samba, mhosva dzinosanganisira yekutungamira sangano risina kunyoreswa zviri pamutemo.

Mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira, reNational Association of Non Govermental Organizations, kana kuti NANGO, VaCephas Zinhumwe, vaudzawo Studio7 kuti GALZ inhengo yesangano ravo, uye kushungurudzwa kwesangano iri kunorwadzawo kana naivo.

Vati vanoshuvira kuona matambudziko akatarisana nesangano iri achipera nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG