Accessibility links

Breaking News

Gasi Roshandiswa Zvakanyanya Kudarika Magetsi Munyika


Kushandiswa kwegasi kokwira muZimbabwe
Kushandiswa kwegasi kokwira muZimbabwe

VeZimbabwe Energy Regulatory Authority, kana kuti ZERA, vanoti vanhu vakawanda munyika vave kushandisa gasi sezvo vachiti magetsi ari kuvadhurira.

Mukuru weZERA, Amai Gloria Magombo, vanoti huwandu hwegasi rakashandiswa munyika hwakakwira kubva pamakirogiramu mamiriyoni matanhatu pagore muna 2012 kusvika pamakirogiramu mamiriyoni makumi maviri nematatu kusvika pakupera kwaNyamavhvhu gore rino.

Amai Magombo vanoti kunze kwemutengo waro gasi, vanhu vave neruzivo rwekuti gasi rinoshanda sei sezvo vange vari kudzidzisa veruzhinji maererano nekuti gasi rinoshandiswa sei.

Vanotiwo ZERA yakapa marezenisi ekutengesa gasi akawanda zvekuti harichanetsa kuwana

Asi vanoti kunyange hazvo pave nenzvimbo dzakawanda dzinotengesa gasi zviri pamutemo, pane vamwe vanhu vari kutengesa gasi zviri kunze kwemutemo uye veruzhinji havafaniri kutenga kubva kuvanhu ava.

Vanoti zvakakosha kutenga panzvimbo dzine marezenisi nekuti vanokwanisa kuwana rubatsiro kana pachinge paita dambudziko.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Emellia Shuma, vanoti vave kushandisa gasi pakubika nekuti magetsi ari kudhura.

VaJohnsen Chirwa vaudzawo Studio7 kuti gasi imhando yemoto uye vaye vanhoshandisa parafini, huni kana marasha, vanofanira kushandisa gasi.

MuHarare chete mune nzvimbo dzinodarika makumi masere dzinotengesa gasi zviri pamutemo.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dziri pasi chose pakushandiswa kwegasi muAfrica uye nyika dziri pamusoro dzinosanganisira Morocco, Algeria, Libya, neEgypt.

Dzimwe nyika dzinoshandisa gasi zvakanyanya iSouth Africa, Cameroon neNigeria.

1 gas
please wait
Embed
1 gas
by VOA

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG