Accessibility links

Breaking News

Gadziriro yemaWarriors Yoenda paDanho rePamusoro Pasina Musona


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Chikwata chemaWarriors chasangana nedambudziko revamwe vatambi apo chosimuka nhasi kuti chisimuke kuenda kuSouth Africa kuno dziviria mukombe wacho weCosafa Castle Cup.

Mutambi Marvelous Nakamba weClub Brugge kuBelgium abuda mukamba mushure mekunge chiremba wechikwata chemaWarriors Dr. Somani Mudariki vamuongorora ndokuona kuti haasi kukwanisa kutamba mumakundano aya nemhaka yekukuvara.

Pamusoro pekuda kutora mukombe uyu kechitanhatu, murairidzi wemaWarriors Sunday Chidzambwa ari kuda kushandisa makwikwi aya kuvaka chikwata chake chemakundano e2019 Africa Cup of Nations zvekuti kusavepo kwaNakamba idambudziko guru.

Pamusoro pezvo, hazvisi pachena kuti kaputeni wechikwata ichi Knowledge Musona achasvika here paine nguva mushure mekutadza kusvika muHarare sezvaitarisirwa nezuro.

Izvi zvauya zvekare mushure mekubuda kwakaita Tendai Darikwa, MacCauley Borne, naKundai Benyu muchikwata ichi nemhaka yekusave nemapasipoti emuZimbabwe.

Asi Chidzambwa ari kufara kuti achawana nguva yekuongorora Aleck Mudimu uyo anotambira CFEN Druids yekuWales, uyo ari mukamba uyezve aine magwaro ekufambisa emuZimbabwe.

Vamwe vatambi vese vakadaidzwa kusanganisira Ovidy Karuru, uyo akafanobata basa rakaputeni pasina Musona, naNakamba, Talent Chawapihwa, George Chigova, Mashall Munetsi, Evans Rusike, Ronald Pfumbidzai, naEdmore Sibanda, avo vanotambira kuSouth Africa, vari mubishi regadziriro.

Vanotambira zvikwata zvemuno, Terence Dzvukamanja, Donovan Benard na Liberty Chakoroma veNgezi Platinum Stars, naJames Mukombwe naKelvin Moyo veFC Platinum vachambokanganwa zveCastle Lager Premier Soccer League nekuisa pfungwa nesimba ravo kuma Warriors.

Nhengo yeZimbabwe Warriors Fan Club VaTitus Goya, vanoti nemaziviro avanoita Chidzambwa mukombe weCosafa anonoutora zvekare.

Muteveri wechikwata cheCaps United VaShingirai Miti vanoti chikwata chemaWarriors ichi chakasimba zvekuti mukombe uyu undodzoka muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG