Accessibility links

Gadziriro YeChirongwa Chekuverengwa kweVanhu Munyika Yotanga

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Gadziriro yekuverengwa kwevanhu munyika, kana kuti national census, inonzi iri kufamba zvakanaka kunyangwe hazvo chirongwa ichi chichatanga muna Nyamavhuvhu wegore rinouya.

Chirongwa ichi chinonzi chichada mari inosvika $39 million kuti chibudirire uye masangano anoona nezvekuverengwa kwevanhu munyika pasi pemubatanidzwa weInter-ministerial Technical Census Committee akatotanga kuita misangano yekugadzirira chirongwa ichi.

Chirongwa chekuverenga vagari vemunyika chakapedzisira kuitwa mugore ra2002 uye chirongwa ichi chinoitwa mushure memakore gumi oga oga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti kuziva huwandu hwevanhu munyika kwakakosha mukubatsira kuti hurumende ironge pamwe nekufambisa zvinhu nemazvo.

XS
SM
MD
LG