Accessibility links

Breaking News

Kunetsa kwePeturu neDhiziri Kwonetsa Vanofamba neMabhazi neMotokari


Zimbabwe Tumbling Economy - Fuel Lines
Zimbabwe Tumbling Economy - Fuel Lines

Veruzhinji vanoti mabhazi eZupco ayo ane mutengo wakaderera mashoma zvakanyanya izvo zviri kuita kuti vanhu vapedze nguva refu vakamirira mabhazi aya ukuwo madzimai achiti ari kutadza kukwira sezvo pari kushandiswa chisimba kupinda mumabhazi anenge auya.

Zviteshi zvemabhazi paCharge Office nekuCoppa Cabana muHarare kwanga kuine mitsetse mirefu, ukuwo vanhu vachimhanyidzana vasingatevedzeri mitsetse.

Amai Rosemary Maunga vaudza Studio7 kuti vanga vachitadza kukwira bhazi sezvo vanga vaine mwana ari kumusana. Amai Maunga vati mabhazi eZupco mashoma panguva iyo vanhu vazhinji vari kuda kuashandisa sezvo akachipa.

Mumwe mukweguru, VaStanley Mushava, avo vanga vari paCharge Office vakamirira kuenda kwaMakoni, vati vanga vamira kwenguva inopfuura awa rimwe chete. VaMushava vati vanga vaine tarisiro yekuti semukweguru vachangonzi pindai mubhazi asi izvi hazvina kuitika.

VaMushava vati mariyemabhazi iri nani zvakanyanya pane makombi.

Mabhazi eZupco ari kuita masenzi makumi manomwe nemashanu emari yemaRTGS kuenda kuChitungwiza kwaMakoni, ukuwo vemakombi vanga vachibhadhrisa mari iri pakati pemadhora maviri kusvika madhora mana emaRTGS.

Amai Lucia Chitsaka vaudzawo Studio 7 kuti kunyange hazvo vari kumirira mabhazi kwenguva ndefu vari kutsungirira sezvo vasina mari yekuti vakwire makombi.

Kondakita weimwe yemakambi anoenda kuChitungwiza, VaLazarus Mangezi, vaudza Studio7 kuti chinangwa chavo chekukwidza mari dzekufambisa hachisi chekurwadzisa veruzhinji asi kuti vakwanise kuramba vari mubhizimusi sezvo mari yedhiziri yakakwira.

Asiwo VaTapfuma Ndoroyerwizi vati hurumende inofanirwa kudzikisa mitengo yemafuta kuitirawo kutiwo mitengo yezvinhu iderere vanhu vawane zvekudya vasati vaenda kumabasa.

Mukuru we Zimbabwe Union of Drivers and Conductors, VaFradreck Maguramhinga, vati kumakombi zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vatiwo kunyange hazvo mitengo yakakwira, havasi kuwana mafuta aya. Vati vari kutarisira kuita hurukuro nehurumende kuti vanzwisisane kuti matambudziko anga gadziriswawo sei.

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vari kutarisirwa kuzotsanangura nyaya dzemafuta mudare reparamende mangwana

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG