Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kwePeturu neDhiziri Kwotemesa Vakawanda Musoro


Zimbabwe Tumbling Economy - Fuel Lines
Zimbabwe Tumbling Economy - Fuel Lines

Vanhu vakawanda vari kuswera vari mumitsetse nemotokari dzavo vakamirira kuwana peturu mumagaraji akawanda.

Vanoshandisa motokari dzavo mukufamba vanoti panzvimbo yekuti dambudziko remafuta edzimotokari rigadzirike, zvinhu zviri kutoramba zvichishata.

VaJoseph Tanyanyiwa, avo vanga vakamirira mafuta paHigh Glen Shopping Center, vati vange vamira mumutsetse kubva na7 mangwanani uye vanga vasati vawana mafuta na 2pm dzemasikati.

VaTanyanyiwa vati munyika munofanirwa kuita hurukuro dzinobata munhu wese kuitira kuti nyika ibude mumadhaka mairi.

VaMicheck Chawatama vatiwo nhasi ranga riri zuva repiri vari mumutsetse wemafuta epeturu.

Mumwe muruume ada kuzivikanwa nezita rekuti Talent Bhachi ati zvinomushungurudza zvakanyanya kuti vari kupedza nguva yekushanda kumabasa kwavo vari pamutsetse.

VaBhachi vati izvi zvinokonzera kuti nyika isafambira mberi.

Mumwe murimi, VaGoodknows Homwe, vati kushaikwa kwemafuta kuri kukanganisa mabasa avo, sezvo zvirimwa zvavo zviri kusvika pakushata vachishaya mafuta ekuti vaunze zvirimwa zvavo kumusika muHarare kubva kuGoromonzi.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vakaudza vatori venhau nezuro kuti hurumende haisi kufara nezviri kuitwa nemakambani ane marezinesi ekutengesa mafuta izvo zvavakati zviri kupa kuti veruzhinji vashaye mafuta edzimotokari kunyange hurumende ichinge yaita zvose zvinodikanwa kuti munyika muve nemafuta anokwanira veruzhinji.

Hurumende yakati ichatorera makambani aya marezenesi.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevemagaraji kuti tinzwe kuti seyi vasina mafuta sezvo vashandi vemugaraji aya vanga vachiti havabvumidzwe kutaura nevatori venhau.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG