Accessibility links

Breaking News

Friends of Zimbabwe Yovimbisa Kubatsira Nyika neUS$500m


Masangano nenyika dzinopa Zimbabwe rubatsiro anozivikanwa nerekuti Friends of Zimbabwe, anoti gore rinouya achapa Zimbabwe mari inosvika mazana mashanu emamiriyoni emadhora, kana kuti US$500m yekubatsirikana. Asi masangano aya ari kukurudzira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena dzinenge dzisina mhirizhonga kuitira kuti hukama hwayo nesangano iri hurambe huripo.

Friends of Zimbabwe ine nyika dzinopa rubatsiro dzinosanganisa America, Britain, Australia, masangano akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Sangano iri rinoti hurumende yemubatanidzwa yamboedza kugadzirisa zvinhu, asi pachine zvakawanda zviri kuda kuti zviitwe zvikuru pakuremekedza kodzero dzevanhu. Sangano iri rinotiwo nyika dziri muSADC, dzichitungamirwa ne South Africa, dzinofanirwa kuona kuti zviri muGlobal Political Agreement zvazadzikiswa.

Gurukota rezvehufumi, VaTendai Biti, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe iite zviri kukurudzirwa nesangano iri kuitira kuti ibude mumadhaka mairi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaDavid Mpamhadze, vanoti Zimbabwe inofanirwa kuita zvinodiwa nevanobatsira uye kana yoita sarudzo, iite sarudzo dzisina kupondana mukati.

XS
SM
MD
LG