Accessibility links

Breaking News

France ino Cherechedza mabasa aAmai Holland naMuzvare Mukoko


Hurumende yeFrance svondo rapera yakapa mubairo wepamusoro soro unopiwa vanhu vane nhoroondo yekurwira rusununguko rwevanhu vose, weFrench National Order of the Legion of Honour kumadzimai maviri emunyika senzira yekutenda mabasa avari kuita.

Rimwe remakurukota ekupodzwa kwemaronda, Amai Sekai Holland, pamwe nemukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vakatambidzwa mubairo uyu kumuzinda weFrance muHarare nemumiriri weFrance muZimbabwe, VaFrancois Ponge, zvichitevera kurudziro yakaitwa nemutungamiri weFrance, VaNicholas Sarkozy yekuti vaviri ava vapihwe mubairo wakakosha uyu.

Mumwe wevakawana mubairo uyu, Amai Holland, vaudza Studio 7 kuti mubairo uyu mucherechedzo wemabasa anoitwa nemadzimai muAfrica, avo vanoshanda vasina anovatenda kana kucherechedza mabasa avo.


XS
SM
MD
LG