Nhengo ina dzinorwira kodzero dzevanhu dzakasungwa neMuvhuro manheru dzichibva kumusangano wemasangano akazvimirira wakaitirwa kuMaldives dzapomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Nhengo idzi, idzo dzinoti VaTatenda Mombeyarara vanoshanda nesangano reCirizens Manifesto, VaGeorge Makoni vesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe, VaNyasha Frank Mpahlo vesangano reTransprency International - Zimbabwe; pamwe nemutungamiri wesangano reCommunity Tolerance and Development Trust, VaGamuchirai Mukura, vakasungwa pavakasvika panhandare yendege yeRobert Gabriel International Airport pavakamhara vachibva kuMaldives kumusangano wemasangano anoshanda akazvimirira.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 parunhare kuti vasungwa ava vakachengetwa mutirongo pakamba yeHarare Central vakati tinzwe zvakawanda kumunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo pataenda.
Rimwe remagweta evasungwa, VaJeremiah Bamu vaudza Studio7 vari pakamba iyi manheru emusi weChipiri kuti vasungwa ava vapomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMnangagwa pamwe nekukurudzira veruzhinji munyika kuti vaite zvemhirizhonga vachigunun’una nemamiriro akaita zvinhu munyika dzezvehupfumi.
VaBamu vati mhosva iri kupomerwa vasungwa ava inonzi yakaparwa vari kunze kwenyika kwavanga vachipinda musangano uyu uye vati vasungwa ava vakatarisira kumiswa pamberi pedare nemusi weChitatu.
Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, iro rinotungamira masangano mazhinji anoshanda akazvimirira muZimbabwe, VaTabani Moyo, vashora kusungwa kwevarwiri vekodzero dzevanhu ava.
Vana ava vasungwa zvichitevera mashoko akaburitswa nebepanhau reHerald anoti vemasangano anoshanda akazvimirira ava vari kushanda pamwe chete neMDC yaVaNelson Chamisa mukuronga zvekupandukira hurumende.
Asi MDC yakaramba mashoko akaburitswa neHerald ichiti manyepo.
Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume ,vaudza Studio7 kuti hapasisina musiyano pakati pehurumende yaMnangagwa neyevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakatsiviwa naVaMnangagwa muna Mbudzi 2017 pakapindira mauto munyaya dzezvematongerwo enyika.
Zvichakadai, VaBamu vati vari kutarisira kuti vasungwa ava vamiswe pamberi pedare neChitatu apo vakatarisirwa kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Facebook Forum