Accessibility links

Breaking News

VaJason Machaya veZanu PF Vanokandwa Mujeri kweMakore Mana


Court justice illustration

Vaimbove gurukota redunhu reMidlands, VaJason Machaya, vatongerwa kugara mujeri kwemakore mana, asi mwedzi gumi nemisere ichasendekwa parutivi kana vakasapara imwe mhosva mukati memakore maviri.

Mutongi wedare, Muzvare Charity Maphosa, vapa mutongo uyu mushure mekunge vawana VaMachaya naVaChisayenyerwa Chibururu vaine mhosva yekushandisa mahofisi avo zvisiri izvo vachinzi vakashanda pamwe chete kuti vape zvisiri pamutemo nzvimbo dzekuvakira dzimba dzinosvika churu dziri muGokwe kune imwe kambani inonzi Striations World Marketing Property Developers.

VaChibururu ndiProvincal Planning Officer wedunhu reMidlands uye vanonzi
vakashanda naVaMachaya mukupara mhosva iyi mugore ra2013.

Vaviri ava vaive varamba mhosva yavaipomerwa asi mutongi wedare
akavawana vaine mhosva mushure mekutongwa kwenyaya iyi zvizere.

Muzvare Maphosa vati kunyange hazvo vaviri ava vakapa zvichemo zvinosanganisira kuti vakashandira hurumende kwenguva yakareba uye vave vanhu vakura, vane zvirwere zveshuga nehigh blood pressure,, mhosva yavabatwa nayo yakakura zvikuru zvekuti mutongo wakafanira ndewekuti vagare mujeri.

Vati nyaya yehuwori inyaya iri kutsviriridza zvikuru munyika uye veruzhinji havachina chivimbo kuti matare ari kubata nyaya iyi nemazvo vachiti zvakakosha kuti matare aratidze pachena shuviro yehurumende yekuti huwori hahudikanwi zvachose.

Asi gweta revaviri ava, VaAlec Muchadehama, vaudza Studio7 kuti vazivisa
dare kuti vachapikisa kuwanikwa vaine mhosva kwaVaMachaya naVaChibururu vachitiwo vachaita chikumbiro chekuti vaviri ava vabvumidzwe kubhadhara mari yechibatiso panguva yekupikisa mutongo uyu.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaGarudzo Ziyaduma, vange vaita chikumbiro chekuti dare ritare kuti VaMachaya naVaChibururu vabhadhare mari inosvika zviuru mazana mapfumbamwe emadhora ekuAmerica kana kuti maRTGS anoenderana nemari iyi.

Asi Muzvare Maphosa varamba chikumbiro ichi vachiti hazvina kubudiswa
zvizere mudare kuti hurumende yaiva yarasikirwa nemari yakawanda zvakadii.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG