Accessibility links

Breaking News

VaMphoko Voendesa VaWelshman Ncube kuMatare eDzimhosva


Va Phelekezela-Mphoko

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vaendesa kudare reHigh Court mumwe wevatungamiri veMDC, VaWelshman Ncube, vachida kubhadharwa mari inopfuura miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru zvemadhora ekuAmerica.

Mumagwaro ari kudare reHigh Court ayo awonekwa neStudio7, VaMphoko nemwana wavo, Siqokoqela, vari kuti VaNcube vanofanirwa kuvapa madhora ekuAmerica anopfuura miriyoni nezviuru mazana mana.

Vanoti ichi chidimbu chemari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mapfumbamwe zvemadhora ekuAmerica iyo yavanoti vakapa VaNcube apo vaive gweta revaviri ava panyaya yekambani yavo yeChoppies Enterprises.

VaNcube nekambani yavo yeMatonsi-Ncube Law Chambers, vakamiririra mhuri yaVaMphoko panyaya yabata bata Choppies Supermarket.

Mugwaro ravakakwidza kuHigh Court neMuvhuro vachimirirwa nemagweta eNcube and Partners, VaMphoko, vanove mumhang’ari wekutanga, naSiqokoqela, anove mumhang’ari wechipiri, vanoti muna Ndira wegore rino VaNcube vakatambira mamiriyoni maviri nemazana mapfumbamwe ezviuru zvemadhora ekuAmerica.

Mari iyi yaibva kuChoppies Supermarkets ichienda kumhuri yekwaMphoko semubhadharo wemasheya ainzi aive emhuri iyi mukambani iyi.

VaMphoko nemwana wavo vanoti VaNcube vakazivisa mhuri yavo kuti vaive vapiwa mari iyi nekambani yeChoppies vachitiwo vakapa ivo VaMphoko nemwana wavo chidimbu chemari iyi kukasara mari inopfuura miriyoni nezviuru mazana mana iyo vari kuda kupiwa.

Mugwaro ravo rekuHigh Court VaMphoko vanoti VaNcube havasi kupindura kuchikumbiro chavo chekuti vavape mari yasara, nokudaro vave kukumbira kuti dare rimanikidze VaNcube kuti vavavpe mari iyi.

VaMphoko vanotiwo vanoda kuti vapiwe imwe mari pamusoro yakaberekwa panguva iyo mari iyi yanga iri mumaoko aVaNcube, uye kuti VaNcube vave ivo vanobhadhara dare mari yose ine chekuita nenyaya iyi.

VaNcube havasati vaisa mudaro gwaro ravo rekupindura mhosva yavari kupomerwa uye dare reHigh Court harisati ratara kuti nyaya iyi ichanzwikwa riinhi.

Studio7 yatadza kubata VaNcube kuti tinzwe divi ravo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaNcube havasati vaswitsa magwaro avo kudare repamusoro.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG