Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Munyori Mukuru weUN, VaKofi Annan, Vashaya Mushure Mekurwara kweNguva Pfupi


Switzerland Obit Annan
Switzerland Obit Annan

Mapato ezvematongerwo emunyika anoti ari kushushikana zvikuru nekushaya kwaita vaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, avo vaiva muZimbabwe masvondo matatu adarika.

Kushayika kwaVaAnnan kwaziviswa nemhuri yavo pamwe nevesangano reKofi Annan Foundation, avo vati VaAnnan vashaya mushure mekurwara kwenguva pfupi-pfupi.

Mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe anoti ari kushushikana zvikuru nekuenda kwamupfiganebwe kwaita VaAnnan.

Munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti vasurukirwa zvikuru nekushayika kwaVaAnnan panguva iyo vanga vari mubishi kuedza kupedza gakava remuZimbabwe rine chekuita nesarudzo.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwewo pamire bato pakufa kwaVaAnnan.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiwanzotaura vakarerekera kudivi reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati kufa kwaVaAnnan kurasikirwa zvikuru kwaita mhuri yeZimbabwe.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati VaAnnan munhu agara ane chido chekuti Zimbabwe ive nehutongi hwejekerere uye kuti nyaya dzekodzero dzevanhu dzicherechedzwe.

Vasati vasiya basa semunyori mukuru weUnited Nations, VaAnnan vakatuma nhume kuZimbabwe, Amai Anna Kajumulo Tibaijuka, kuti vazoongorora chirongwa chehurumende chekupwanyira vanhu dzimbabwe cheOperation Murambatsvina muna 2005 icho chinonzi neUnited Nations chakasiya vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vasina chekubata uye vasina pokugara.

VaAnnan vakaitwa munyori mukuru weUnited Nations kubva muna 1997 kusvika muna 2006.

Apo vaive kuUnited Nations, vakapihwa mubairo weNobel Peace Prize muna 2001, uye vakashanda zvakasimba mukuvamba chirongwa cheGlobal Fund to Fight AIDS.

Vakatanga kushanda muUnited Nations muna 1962 vari kubazi re World Health Organization, vakakwidziridzwa kudzamara vava mutevedzeri wemunyori mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo.

Vakazoitwa munyori mukuru weUnited Nations muna 1997.

Mushure mekusiya basa kuUnited Nations, VaAnnan vanga vari sachigaro ve The Kofi Annan Foundation pamwe neThe Elders.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG