Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoberekera Ingwe kuZvizvarwa zveZimbabwe


Violence South Africa
Violence South Africa

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinotyaira dzimotokari kuSouth Africa zvave kugara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kupiswa kwedzimotokari nevanhu vanofungidzirwa kuti zvizvarwa zvemuSouth Africa vasiri kuda kuti zvizvarwa zvekunze zviwane mabasa.

Makurukota ehurumende muSouth Africa, anoti rezvemapurisa, VaBheki Cele; gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaFikile Mbalula; negurukota rezvevashandi, VaThulas Nxesi, vakaita musangano nevatyairi vemarori, vari kutsvaga mabasa uye varidzi vacho vakayambira kutora matanho kune vari kupisa marori anotakura zvinhu aya.

VaCele vakayambira vari kupisa marori kuti vachasungwa sezvo vari kukanganisa nyaya dzezvehupfumi.

Asi pangopera maawa maviri vapedza kutaura kwakapiswa rimwe rori mumugwagwa weN2 kuDurban.

Mutauriri wemapurisa, Senior Superintendent Parboo Sewpersad, vakabvuma kuti kwainge kwapiswa zvekare imwe rhori.

Mukupera kweSvondo, marori gumi nemasere kusanganisa anotyirwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe akapiswawo mumhirizhonga iyi mudunhu reKwaZulu Natal neGauteng.

Sachigaro weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba vanoti motokari idzi dze rudzi rwemarori, dzakapisirwa mumigwagwa mikuru yemuSA, izvo zvakakonzera kuti migwagwa iyi, imbovharwa kwechinguva.

Vanomiririra sangano rinoona nezvemagwaro ekushanda muSouth Africa kana kuti Zimbabwe Exemption Permits, VaEdward Muchatuta, vanoti mushure mekunge izvi zvaitika, ivo nevatyairi vekune dzimwe nyika, vakaratidzirawo, vachida kutikuhurumende yeSA ipindire.

Mumwe wemutyairi, VaGeorge Nanyika, vapa chikumbiro chekuti pave nekutaurirana.

VaDavie Munodawafa, ndemumwewo mutyairi ati ave kutotyirawo hupenyu hwavo.

VaMunadawafa vaenderera mberi vachiti vatyairi vazhinji havachazivi ramangwana ravo.

Mukuru wemapurisa muSouth Africa VaBheki Cele, nezuro vakapa yambiro yekuti mapurisa achatora matanho akaomarara kune vose vari kupisa dzimotikari idzi. Izvi, ndizvo zvakaita kuti mhiri zhonga iyi imbomira.

VaShumba vaudza Studio7 kuti chiitiko ichi, idzokororo yezvinhu zvakabvira zvataurwa nevanhu vemu South Africa kuti zvizvarwa zvekune dzimwe nyika, zvinofanira kubuda muSA.

Vemabepanhau vashoropodzwawo naVaShumba nekutadza kuzivisa veruzhinji maererano nedambudziko iri.

VaShumba vaenderera mberi vachiti sangano ravo ranyora magwaro kuvatungamiriri vemizinda yekune dzimwe nyika muSouth Africa kusanganisira Zimbabwe vachikumbira kuti vaise misoro pamwe chete mukupedza dambudziko iri.

Mukuru musangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vashora chiitiko ichi uyewo vakurudzira vatyairi vedzimotokari idzi kuti vasafambe husiku.

Nyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika ndiyo iri kupa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviende kunotsvaga mabasa kuSouth Africa izvo zvokonzera kunetsana sezvo zvizvarwa zveSouth Africa zvichinyunyuta kuti zvave kutorerwa mabasa nevekunze ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG