Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veNyika Dzinobatsira Zimbabwe Voshora Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu muZimbabwe


Mureza weNetherland

Vamiririri venyika dzakasiyana-siyana dzinobatsira Zimbabwe zvakanyanya vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko akatarisana nenyika. Vamiriri ava vatiwo hurumende haifanirwe kumbunyikidza kodzero dzevanhu kuburikidza nekushandisa mitemo yekudzivirira chirwere cheCOVID-19.

Mugwaro ranyorwa nevamiririri vemizinda yeCanada, Germany, Netherlands, Norway, Poland, United Kingdom neAmerica, rinoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kuzadzisa zvavakavimbisa pavakagadzwa pachigaro kuti vaizoteerera nekukoshesa zvido zvezvarwa zvenyika.

Vamiri ava vatiwo havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika, dzehutano, dzehupfumi pamwe nekugara zvakanaka kwevana veZimbabwe. Nyika idzi dzati dziri kumira nezvizvarwa zveZimbabwe nevavariro yekuva nenyika ine runyararo.

Vayambirawo hurumende kuti isiyane nezvekushandisa denda reCOVID-19 mukutyora kodzero dzevanhu vachiti hurumende ngairwise huori pamwe nekusiyana netsika yekushoropodza nekupa dzimwe nyika mhosva yekuva honzeri yematambudziko ari munyika.

Nyazvi munyaya dzebudiriro, VaJoy Mabhenge, vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa nehurumende dzakasiyana siyana idzi mashoko echokwadi.

VaMabhenge vati hurumende haifanirwi kuramba ichivanda seri kwemumwe izvo zviri pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

VaMabhenge vatiwo inguva yekuti mutungamiri wenyika asimudze musoro nekuona kuti vese vari muhurumende vari kutyora kodzero dzevanhu vadzingwa muhurumende.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuti vanoti kudii negwaro rabudiswa sezvo patafonera gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati vanga vasati vaona gwaro iri.

Patavatumira gwaro iri, vanga vasati vatipa mhinduro kusvika nguva dzataenda pamhepo. Asi hurumende inoti munyika hamuna matambudziko ane chekuita nekutonga kwehurumende.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti kana vakuru vemizinda iyi vachida kuteererwa, naivowo ngavatererewo hurumende yeZimbabwe zvairi kutaura.

Gwaro iri rinouya mushure metsamba dzakabvawo kumabhishopi eRoman Catholic pamwe neeAnglican Church achitaurawo pamusoro pekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Asi hurumende yakakandira mabhishopu aya mashoko akadzama izvo zvakasiya vakawanda vakashama miromo yavo vachishamiswa nemaitiro ehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG