Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voyaura neNzara kuMasvingo


Apo nzara yapfunya chisero uye yoramba ichirura munzvimbo dzakasiyana-siyana mudunhu reMasvingo, vamwe vagari vanoti vave kurarama nemichero sezvo chibage nezvimwe zvikafu zvavanombodya zvisiri kuwanikwa.

Zvipfuwo zviri kufawo nekushaya mafuro akakwana uye zvirwere zvopararira.

Vamwe vagari vemunzvimbo dzakaita sekwaNemamwe, Chikarudzo, Gutu, Bikita, Zaka ne Mwenezi, vanoti nzara iyi yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka gore rino nerapera.

Nzara Yotekeshera muMasvingo
Nzara Yotekeshera muMasvingo

Mugari wemuraini rekwaChikutuva, kuNemamwa, VaHenry Makusha, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munharaunda mavo sezvo vanhu vasina chokubata.

Vanhu vakawanda vakataura neStudio7 vanoti nzara iyi iri kuwedzerwa nekuoma kwehupenyu sezvo mitengo yezvekudya muzvitoro iri kukwira zuva nezuva kunyange hazvo munyika musina mabasa kana maricho hawo aimboraramisa vamwe.

Bhagidi rechibage munzvimbo dzakaita seGutu, Nemamwa, Zaka neChivi riri kuita zana remadhora emunyika, apo marita maviri ebhodhoro remafuta ekubikisa, richiita madhora makumi matanhatu; mikirogiramu maviri eshuga achiita madhora makumi mana; makirogiramu maviri emunyu achiita madhora makumi maviri edhora remuZimbabwe.

Mitengo iyi vagari vekumaruwa vakawanda vanoti havaigoni sezvo vasingaendi kumabasa.

Mumwe mugari weku Chisheshe kwaGutu, VaLloyd Mufudze, vanoti nzara nenhamo zvavasunga mbira dzakondo uye vapedza kutengesa zvipfuwo kuti vararame.

Mumadhorobha, zvinhu gore rino hazvinawo kumira zvakanaka sezvo vanhu vasina chekubata.

Izvi zvapa kuti kekutanga munhoroondo yayo, veWorld Food Program, WFP, vatange kupa vanhu chikafu mumaguta.

Amai Sophia Gumbo vanogara mumusha weRunyararo vanoti nzara iriko gore rino inotemesa musoro.

Vamwe vagari vemudunhu reMasvingo vakaita saVaDavison Gonese vanoti kunyangwe hazvo hurumende iri kuyedza kuvabatsira nechikafu kubudikidza nebazi rezvemagariro akanaka evanhu, chikafu ichi hachisi kukwana nekuti chishoma.

Ukuwo masangano akazvimiririra akaita seWFP haasi kubatsira matunhu ose, izvo zviri kusiya vamwe vari panyanga dzamushore.

Hurumende iri kupa saga rimwe chete re 50 kg rechibage pamhuri iro riri kunzi harikwani sezvo vagari vachiti mimwe mwedzi havapihwe.

Kune dzimwe nzvimbo dzavari kubatsira, veWFP vanopa makirogiramu gumi echibage kana hupfu pamunhu wega wega mumhuri, uye bhodhoro remafuta, nenyemba pamwe nemunyu izvi zvinonzi zviri nani asi havasi kupa munzvimbo dzose mudunhu reMasvingo.

Mudzviti wedunhu reMasvingo, VaFungai Mbetsa, vanoti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete vanoda rubatsiro kusvika mumwedzi waKubvumbi.

VaFungai Mbetsa
VaFungai Mbetsa

VaMbetsa vanoti hurumende pamwe nemasangano akazvimirira vave kuwedzera huwandu hwechikafu chiri kupihwa vanhu kumaruwa.

Vamwe vabereki vanoti nenyaya yenzara iri munzvimbo dzavo vave kudya kamwe pazuva vamwe vachitopedza zuva vasina kana kudya.

Vamwe vanoti hutano hwavo hwadzikira nekuda kwenzara, uye zvikaramba zvakadai, vanogona kurasikirwa nehupenyu.

Amai Sandra Sibanda vekwa Ishe Mugabe, vanoti munzvimbo mavo vari kuziya nenzara asi vana vechikoro vari nani sezvo vachipiwa chikafu kuchikoro uko vanobva vakaguta.

Vana muzvikoro zvakasiyana siyana mumaruwa vari kubikirwa sadza pamwe nemangayi pasi pe chirongwa chehurumende.

Madzishe akawanda, kusanganisira, Ishe Mazuru, VaMunhikwi Mukandatsama, vekwa Gutu, vanoti nzara yaonesa vanhu nhamo uye vari kumbira kuti hurumende nemasangano akazvimiririra awedzere rubatsiro kumaruwa.

Vachitaurawo pamusangano wekuparura zvakabuda mutsvakurudzo yakaitwa nekomishini yeZimbabwe Human Rights Commission yekunetsa kuwanika kwemagwaro akaita sezvitupa, magwaro ekuzvarwa nekufambisa, mamwe madzishe akati vanhu vazhinji mumaruwa vari kutadza kuwana chikafu cherubatsiro sezvo vachinzi vauye nawo kuti vanyoreswe mazita avo.

Ishe Ndanga, VaRanganai Bwanda, veku Zaka, vakatsinhirawo mashoko aya vachiti zvakaomera vasina magwaro munzvimbo mavo kunyanya madzimai.

Bazi rezvemagariro evanhu riri kupawo vanhu chikafu asi vamwe vanopikisa vakaita sakanzura weMDC, VaWyclife Matindike, ve ward 34, kwaGutu, vanoti vatsigiri vavo vari kunyimwa chikafu

Izvi zvakatsinhirwa nemutauriri weMDC, muMasvingo VaDereck Charamba, vachiti vatsigiri vavo pamwe nemakanzura vari kusarudzwa pachikafu chiri kupihwa vasina chekubata.

Asi mukokeri wevechidiki muZanu PF muMasvingo, VaTalent Majoni, varamba mashoko aya vachiti bato ravo haritarise kuti wabuda mumba maani pakugovera chikafu.

Gurukota rinoona nezvemabasa nemagariro evanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima, vanoti vose vari kuti vari kunyimwa chikafu vanofanira kuuya nehumbowo hwacho uye havazvikurudzire.

Mashoko aya anotsinhirwa negurukota rainge rakabata chigaro chavo vari pazororo Doctor Sekai Nzenza.

Nzara iyi mudunhu re Masvingo iri kuurayawo zvipfuwo zvakawanda kusanganisira mombe nemadhongi.

Mombe dzovhiringiwawo nenzara kuMasvingo
Mombe dzovhiringiwawo nenzara kuMasvingo

Vakuru mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa nekurapwa kwezvipfuwo vanoti mombe dzinodarika zviuru gumi nezvitatu dzakafa mudunhu reMasvingo kunyanya kuMwenezi ne Chiredzi. Madhongi anopfuura chiuru akafawo mudunhu iri.

Nhengo inomiririra Mwenezi East mudare reparamende, VaJosbee Omar, vanoti munzvimbo mavo chete mombe dzinopfuura chiuru dzakafa nekushaiwa mafuro nemvura yekunwa.

VaOmar vanotiwo vanhu vanopfuura zviuru gumi nerimwe vanoda rubatsiro rwechikafu munharaunda yavo chete.

VaOmar vanotiwo vari kubatsira vagari nechikafu chakaita semupunga wakabva kuChina.

Rimwe dambudziko rawira nyika ndere kuti vamwe vanhu nekushaya chekudya vave kudya mombe dzinenge dzafa nezvirwere zvakaita seanthrax.

Munyika yose vanhu makumi masere nevanomwe vakaendeswa kuchipatara mushure mekudya mombe dzine chirwere ichi.

Pavanhu ava, makumi maviri nevasere ndevekuBikita muMasvingo.

Vanhu vanokurudzirwa kuchera gomba vopisa mombe dzinenge dzafa neanthrax kusvika dzaita dota.

Sezvo mvura yakanonoka kunaya mwaka uno, sangano reWFP riri kutarisirwa kuti richawedzera huwandu hwevanhu vanoda chikafu mudunhu reMasvingo uye mumatunhu akawanda munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:13:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG