Accessibility links

Breaking News

Varwiri veKodzero Vashanu Vanomiswa Mudare Vachipomerwa Mhosva yeKuronga Kubvisa Hurumende


Emmerson Mnangagwa At United Nations General Assembly
Emmerson Mnangagwa At United Nations General Assembly

Varwiri vekodzero vashanu vakasungwa mushure mekupinda musangano wezvekodzero dzevanhu kuMaldives vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende.

Asi vasungwa ava vasvitsa chikumbiro kudare chekuti nyaya iyi iraswe vachiti havana mhosva yavakapara uye kodzero dzavo dzakatyorwa vari muhusungwa.

Hurumende yati vasungwa vashanu ava, avo vanoti VaTatenda Mombeyarara vesangano reCitizens Manifesto, VaGamuchirai Mukura vesangano reCommunity Tolerance Reconciliation and Development, VaNyasha Frank Mpahlo veTransparency International Zimbabwe, VaGeorge Makoni veCentre for Community Development in Zimbabwe, naMuzvare Farirai Gumbonzvanda vesangano reRosaria Memorial Trust, vakaronga zvekupidigura hurumende kumusangano wavakapinda kuMaldives wakarongwa nesangano rinoshanda rakazvimirira rekuSerbia rinodaidzwa kuti Centre for Apllied None Violent Action and Strategies kana kuti CANVAS.

Hurumende yatiwo vasungwa ava vakadzidziswa zvekushandisa pfuti diki pamwe nezvekupidigura hurumende vachishanda nevamwe vavo vavati vachiri kutsvagwa nemapurisa.

Vachuchisi venyaya iyi vatiwo vasungwa ava vakadzidziswa nzira dzekukurudzira veruzhinji kuti vanopandukira sei hurumende uye nzira dzekutiza nadzo kusungwa mukuratidzira pamwe nekuita zvechitororo.

Hurumende yatiwo ine humbowo hwainahwo hwayakakawana munharembozha dzevasungwa ava pamwe nemuma computer avo ayo akapambwa nemapurisa pakasungwa varwiri vekodzero ava pavakasvika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport neMuvhuro manheru.

Asi rimwe remagweta evasungwa ava, Muzvare Jessie Majome, vasvitsa chikumbiro kudare chekuti nyaya iyi iraswe vachiti vasungwa ava havana mhosva yavakapara uye vati vasungwa ava vakatyorerwa kodzero dzavo pavakasungwa.

Vachipa humbowo hwavo kudare, VaMombeyarara vati vakatyisidzirwa zvakakomba nemapurisa uye havana kuudzwa chikonzero chekusungwa kwavo pavakasungwa sezvinotaurwa nebumbiro remitemo.

VaMakoni vatiwo vakamanikidzwawo kuvhura nharembozha dzavo nema computer avo vese mapurisa asina matsamba ekuita izvi sezvakatarwa mumurawu.

Vasungwa vese ava vatiwo vakarariswa mumatirongo akasiyana-siyana aive nerima uye ane zvimbuzi zvakange zvakapfachukira tsvina yevanhu neweti uye vakanyimwa chikafu nemvura yekunwa kubva pavakasungwa kusvika pavakazobvumidzwa kuti vaonekwe nemagweta avo nezuro Chipiri masikati.

Vasati vapinda mudare, VaMombeyarara vaudza Studio7 kuti vari kushubgurudzwa nehurumende zvisina maturo.

Vasungwa vese ava vaudza dare kuti musangano wavakanopinda kuMaldives wakange usinei nezvekupidigura hurumende asi kuti waive wekurwira kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG