Accessibility links

Breaking News

Kudzosera Mari Yakasviba Kodhurira Mabhanga


Mari duku ndiyo inonzi iri kunyanya kudzoserwa yasviba
Mari duku ndiyo inonzi iri kunyanya kudzoserwa yasviba
Mabhanga emunyika anonzi ari kushandisa mari inodarika mamiriyoni gumi nerimwe emadhora pamwedzi achidzosera mari yakasviba kunyika dzayo dzakaita seAmerica neSouth Africa.

Bepanhau reThe Africa Report rinoti zvinofungidzirwa kuti kubva mugore ra2009 kusvika pari zvino, Zimbabwe yashandisa mari inodarika mazana mana nemakumi manomwe emamiriyoni emadhora mukudzosera mari yakasviba iyi.

Mutungamiri weBankers Association of Zimbabwe, VaGeorge Guvamatanga, vanonzi vakaudza The Africa Report kuti vanobhadhariswa 1.25 percent yemari yavanenge vachidzosera pamwedzi.

Studio7 yaedza kubata VaGuvamatanga kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi asi tanzi tiite zvekunyora mibvunzo yedu kwavari.

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti sezvo Zimbabwe isina chibvumirano neAmerica kana South Africa chekushandisa mari dzenyika iyi, izvi zvinoita kuti izvionere mukudzosera mari yakasviba iyi.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti mutoro uyu unoguma watambidzwa kuvanhu vanochengetesa mari dzavo kumabhanga aya, sezvo achida kuwana porofiti yawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG