Accessibility links

Breaking News

Va Castro Vanorangarirwa muHarare


FILE - This photo taken on Aug. 31, 1986 shows Cuban President Fidel Castro (C), flanked by Zimbabwean President Robert Mugabe (L), as he arrives in Harare, for the 8th non-aligned summit in Zimbabwe.
FILE - This photo taken on Aug. 31, 1986 shows Cuban President Fidel Castro (C), flanked by Zimbabwean President Robert Mugabe (L), as he arrives in Harare, for the 8th non-aligned summit in Zimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vanoti rubatsirwo rwakapihwa Africa naVaCastro rwakakura zvikuru uye runofanira kucherechedzwa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvaungana muHarare zvichirangarira vaimbove mutungamiri weCuba, VaFidel Castro, pamwe nekupembera mabasa avo ari kuyemurwa zvikuru munyika dzemuAfrica pamwe nedzekuSouth America. I

Vechidiki, vaimbove varwiri vehondo yerusununguko pamwe nevanhuwo zvavo vapinda muhurongwa uhu hwaitirwa paMedia Centre muHarare vachiyemura mabasa aVaCastro vachiti mabasa avakaita anofanira kucherechedzwa pasi rese.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vanoti rubatsirwo rwakapihwa Africa naVaCastro rwakakura zvikuru uye runofanira kucherechedzwa.

Mutauriri wesangano revakarwa hondo yerusununguko muZimbabwe, VaDouglas Mahiya, vanoti sangano ravo ndiro ranyanya kurasikirwa sezvo VaCastro range riri gamba rehondo.

VaMahiya vanoti ropa revanhu vekuCuba rakadeuka kuAngola, nekuMozambaque kunyange hazvo Cuba iri kure kure nekuti VaCastro vaida kuti vanhu vese vawane rusununguko zvisinei kuti vanobva kudunhu ripi.

VaMahiya vati vachaendesa mberi mabasa aVa Castro, avo vakashaya nemusi wa 25 Mbudzi 2016.

VaJimmy Mwale vanogara mumusha weMbare muHarare vanoti vaiziva VaCastro semutungamiriri ane rudo ainge isingade kutambura kwevanhu munyika make pamwe nedzimwe nyika.

VaMwale vanoti vazhinji vanotenda rubatsiro rwavakapihwa naVaCastro munyika zhinji zvikurusei muAfrica.

Kunze kwekubatsira munyaya dzehondo yerusununguko, VaCastro pamwe nehurumende yavo vakaramba vachibatsira Zimbabwe munyaya dzedzidzo, hutano nezvimwe.

Mumwe murairidzi asina kuda kudomwa nezita uye akadzidzidza zvidzidzo zvemasvomhu kuCuba uyo ave kuzikinwa nezita remadunhurirwa rekuti Man Cuba, anoti aiyemura zvikuru hutungamiri hwaVaCastro zvikuru sei munyaya dzedzidzo.

Anoti Zimbabwe hayaibudirira munyaya dzedzidzo dai pasina vatungamiriri vakaita saVaCastro.

Kunyange vamwe vechidiki vakaita saVaMalvin Mukudu vasina kuona hutongo hwaVaCastro, vanoti zvavakanzwa kana kuverenga pamusoro pemutungamiriri uyu zvinoyemurika.

Vanotiwo kunze kwekuenda kuCuba kunochema VaCastro, vatungamiriri vakaita saVaRobert Mugabe vanofanira kudzidza zvakawanda kubva kuna VaCastro pamwe nematungamiriro avaita hurmende yavo.

Vanoti mumazuva avo ekupedzesera, VaCastro munhu akabvuma hurwere hwake akasiya basa uye pachinhambo chekubuda munyika vachinorapwa kunze sezviri kuitwa naVaMugabe, VaCastro munhu airapirwa munyika make.

VaMukudu vanoti kunyange hazvo VaCastro vaive nezvipomerwa, zviri kuitika muCuba, pamwe nekuchemwa kwavari kuitwa pari rose, zvinoratidza kuti munhu aifarirwa nevakawanda.

Asi vamwe vanoshora VaCastro vanoti VaCastro vaive munhu aida kufadza vekunze asi vanhu vemunyika yavo vachishupika, izvo zvakaita kuti vanhu vakawanda vatize munyika iyi vachinopotera zvikuru kuAmerica.

VaCastro, avo vakapinda muhutongi nechisimba muna 1959, vacharadzikwa neSvondo pachiitiko chichange chiine vatungamiri venyika dzakawanda dzavakabatsira vanosanganisira VaMugabe pamwe nemutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma

XS
SM
MD
LG