Accessibility links

Breaking News

FEWSNET Inoyambira Kuti Zimbabwe Inogona Kuita Mamwe Mafashamu Akaita seCyclone Idai


Cyclone Idai
Cyclone Idai

Rimwe sangano rinoona nezvemamiriro ekunze nechikafu reFewsnet riri kuyambira kuti Zimbabwe inogona kuwirwa zvekare nerimwe dambudziko remafashamu emvura uye dutumupengo remhepo kana kuti cyclone mwaka uno.

Izv zvakamboitikawo gore rapera vakawanda vakarasikirwa nehupenyu uye vakayeredzerwa misha neCyclone Idai zvikuru kuManicaland.

Vanhu vakawanda kusanganisira vemachechi vari kukurudzira hurumende kuti iise homwe parutivi inoona nezvenyaya dzematambudziko kana kuti disaster fund mubhajeti.

Vamwe vanhu vakaparadzirwa misha neCyclone Idai vachiri kugara mumatende kunyangwe mvura yave kuturuka zvekare.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Council of Churches Reverend Dr Kenneth Mtata nevamwe vesangano ravo vari kuManicaland uko vari kubatsira vanhu ava vanoti vakawanda havana zvekudya.

Fewsnet inotiwo kunyangwe hazvo zvinhu zvichaita nani sezvo mabhizimisi ave kuvhurwa uye mabhodha achitarisirwawo kuvhurwa, vanhu vakawanda vachiri vakatarisana nenzara munyika.

Asi riri kuyambira kuti nekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kutapurirwa chirwere ichi, vanhu vanogona zvekare kunzi vagare mudzimba zvinopa kuti nzara ipfunye chisero zvekare.

Hurukuro naVaKenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG