Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yotora Murairidzi weHighlanders De Jong


FC Platinum

Chikwata cheFC Platinum nhasi chapa basa rehurairidzi kuna Henrik Pieter De Jong uyo aive kuHighlanders mwaka wapera.

Murairidzi wekuNetherlands uyu atanga basa nhasi achitsiva Norman Mapeza uyo akasiya basa gore rapera akananga kuChippa United yekuSouth Africa.

De Jong akafadza Kugona Kunenge Kudada mushure mekurohwa mumutambo mumwechete chete pamitambo gumi nemumwechete iyo aive pabonde kuchikkwata cheHighlanders.

Lizwe Sweswe uyo aive akafanobata basa iri mushure mekuenda kwaMapeza adzokera pabasa rake rekare rekuve mutevedzeri wemurairidzi, FC Platinum ichipa zvekare basa kuna Tembo Chuma semurairidzi wevabati vepagedhe.

Tembo aive pamwechete naDe Jong kuHighlanders. Pamusoro pevarairidzi vatsva ava, Platinum yacho yaraura zvekare Nomore Chinyerere kubva kuHwange naRalph Kawondera kubva kuTriangle vakanangana nekusimbisa chikwata chavo chemakundano mavirii aya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG