Accessibility links

Breaking News

FC Platinum neTraingle Dzosimudza Mureza weZimbabwe muAfrica


VaNorman Mapeza

Chikwata cheTriangle chakashura mare nezuro mumakwikwi eCAF Confederation Cup mushure mekudambura chikwata cheRukinzo chekuBurundi.

Asi chikwata cheFC Platinum chakaita mangange mumakwikwi eCaf Champions league neChikwata cheNyasa Big Bullets.

Chikwata cheTriangle nezuro chakarova Rukinzo yekuBurundi 5 kwa 0 izvo zvapa chikwata ichi mukana wekuenderera mberi mumakwikwi aya. Mutambo wechipiri uri kutambirwa kuBurundi svondo rino.

Mune mumwe mutambo neMugovera, chikwata cheFC Platinum chakaita manganga 0-0 nechikwata chinorairidzwa naCallisto Pasuwa uyu aimborairidza chikwa cheDynamos. Mutambo wechipiri uchatambirwa kuBarbourfields mavhiki maviri anotevera.

Castle Premier Soccer League

Iko zvino tombotarisa mitambo yeCastle Premier League yakatambwa mukupera kwesvondo.

Chikwata cheChicken Inn neBlack Rhinos zvatambisa mukana mukuru wavanga vawana wekuenda panhongonya yeCastle Premier Soccer League mushure mekurohwa mumitambo yazvo, ndokuramba zviine mapoinzi maviri pasi peFC Platinum iyo irikutungamira.

Black Rhinos yakarohwa 1-0 neHighlanders musi mumwechete Chicken Inn yakadamburwa 2-1 neZPC Kariba.

FC Platinum iyo yaive isina mutambo muZimbabwe irikutamba mutambo wayo wePSL neChitatu apo irikusangana neHarare City. Nechitatu zvekare, Triangle ichatamba ne Ngezi Platinum Stars.

Murwendo rwavo rwekuMalawi, mumutambo weCAF Champions League Pure Platinum Boys yakanoita mangange 0-0 ne Nyasa Bullets.

Asi Makepekepe eCaps United ari murufaro mushure mekushanya kwaRusape ndokunorova Manica Diamonds 1-0.

Izvi zvasiya maGreen Machine afamba nzendo refu ndokuenda pachinhanho chechipiri nemaponzi makumi maviri nerimwechete, poindi imwechete pasi peFC Platinum.

Mumwe mutsigiri weCaps United Muzvare Leslie Marufu varikufara zvikuru nezvakaitwa nechikwata chavo vachiti ivo Kepekepe ndizvo.

Mumusha weDembare mune rufaro mushure mekunge chikwata ichi charova Mushowani Stars 2-0 nezuro ndokuenda pamapoinzi makumi maviri nemanomwe.

Murairidzi wavo Tonderai Ndiraya arikuti chiwata chake chakabatana zvekuti arikutarisira mashiripiti mumitambo inotevera.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…

Yadah 0 v Hwange 0

TelOne 1 v Herentals. 1

Kwatambwa mitambo gumi nemisre, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi..

FC Platinum 32 points

Caps United 31 points

Chicken Inn 30 points

Black Rhinos 30 points.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG