Accessibility links

Breaking News

Mhuri dzeVakarwira Rusununguko Dzochema Dzichiti Hurumende Haisi Kudzibatsira


Zimbabwe War Vets

Vana, madzimai nevarume vakasiiwa nemagamba akapihwa ruremekedzo rwemagamba enyika vanoti vari kunonga svosve nemuromo sezvo hupenyu huri kuvaomera.

Apo nyika iri kurangarira zuva remagamba, dzimwe mhuri dzakasiyiwa nemagamba aya dzinoti hapana chadziri kuwana kubva kuhurumender kuti dzirarame.

Amai Josphine Madhakwa Marowa vane murume wavo akavigwa pamarinda emagamba muChinhoyi, VaJameson Madhakwa. Vanoti hapana chavari kuwana kuti vararamise mhuri yakasiyiwa nemurume wavo.

Amai Madhakwa, avo vaimbopihwa madhora makumi mashanu pamwedzi muna 1992,vanoti dai hurumende yadzosa mari yemudyandigere wemadzimai kana varume vakasiyiwa nemagamba.

Mwana werimwe gamba rakaradzikwa pamarinda emuChinhoyi, Amai Rose Chiku Shepherd, vanoti hapana chavari kuwana.

Vanoti vanin’ina vavo vari kuenda kuchikoro havana rubatsiro rwavari kuwana kubva kuhurumende.

Amai Shepherd vanoti dai vana vevaimbove varwi verusununguko vakafa vawaniswa mukana pane zvirongwa zvinoyamura vechidiki munyika.

Mudzimai waVaBen Gumbe, Amai Clarisa Gumbe, vanoti vakambonyoreswa mapepa ekuti vapihwe mari asi hapana chakauya.

Amai Gumbe vanoti vaida kumbosangana nemutungamiri wenyika panyaya dzemari yekuti vararame asi musangano uyu hauna kuzoitika sezvo vaida kutaura zvichemo zvavo zvose.

Asi mumwe wechidiki anga ari kumhemberero dzanhasi muChinhoyi, Muzvare Jacquline Moyo, vanoti vana nemhuri dzakasiyawa nemagamba vanofanirwa kushanda kuti vararame sevanhu vose nekuti vanhu vakawanda vakarwa hondo yechimurenga nenzira dzakasiyana.

Madzimai kana varume vemagamba akapihwa ruremekedzo rwegamba redunhu hapana chavari kupihwa semunhadharo webasa rakaitwa nevarume kana vakadzi vavo.

Hatina kunzwawo kuti varume kana vakadzi vakasiyiwa nevakaitwa magamba enyika vanopihwa marii sezvo vakawanda vavo vanga vasingade kutaura nezvenyaya yemari nepamusana pekutya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG