Accessibility links

Breaking News

Sangano reFamily Aids Caring Trust Rosvitsa Makore Makumi Matatu


Sangano reFamily Aids Caring Trust, FACT rapemberera kusvitsa kwaro makore makumi matatu raumbwa richipa vagari vekwaMutare mukana wekuvhenekwa pachena zvirwere zvakasiyana-siyana zvinosanganisira gomarara, HIV, kuchecheudzwa nezvimwewo.

Vanhu vakawanda vemaMutare vafara zvikuru mushure mekubatsirwa nenyanzvi munyaya dzehutano pahurongwa hwekucherechedza mabasa anoitwa neFACT.

Mumwe wevabatsirwa ndiAmai Bekiwe Mazuru avo vane gomarara.

Amai Mazuru vati vafara nekubatsirwa kwavaita sezvo vasina mari yekuti vavhenekwe zvirwere.

Studio 7 yataura nevabatsirwa avo vange vachirumbidza zvaitika izvi.

Mumwe mugari wemuguta iri, VaAleck Matega, vafara zvikuru sezvo ivo nemhuri yavo, vabatsirwa pasina muripo.

VaSolomon Makina, avo vanoshanda nesangano reFACT, vanoti chiitiko ichi chimwe chezvironga zvavari kuita mumatunhu akawanda munyika.

Sangano reFACT rakatanga kwaMutare ndokuzopinda mumatunhu anoti Masvingo, Midlands, Mashonaland East neMashonaland Central.

Chirongwa cheFACT, icho chapoindwa nevanhu vanosvika zviuru zviviri, change chichitsigirwa nemasangano anoti National Aids Council, UK-Aid, US Aid, Eco-Sure, Nyaradzo Funeral Service nemamwe, uye vaimbi, Killer T, Sir Calaz naHwindi President.

Nyaya Ina Loirdam Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG