Masangano anoona nezvesarudzo munyika anoti vanoongorora sarudzo vekunze vanofanirwa kukurumidza kupinda munyika uye vanofanirwa kukokwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kwete nehurumende sezviri kuitika.
Masangano aya anoti vekunze vanoongorora sarudzo vakatononoka sezvo vaifanirwa kunge vave munyika mwedzi mitanhatu sarudzo dzisati dzaitika.
Mukuru weElection Resource Centre, ERC, VaTawanda Chimhini, vanoti kukoka vemasangano ekunze kuti vauye kuzoongorora sarudzo hazvina kukwana kana pasina kunzwisisa kuti basa ravari kuzoita nderipi, inzvimbo dzipi dzavachaenda uye kuti ndiyani ari kuvakoka.
VaChinmhini vanoti sangano ravo harisi kufara nedanho rehurumende rekuti bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika rive iro rinokoka vanoongorora sarudzo.
VaChimhini vanoti gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika inhengo yerimwe bato rinenge richirwira masimba musarudzo, nokudaro harifanirwe kunge richiita basa reZEC.
VaChimhini vanoti vanoongorora sarudzo vanofanirwa kuuya munyika nguva iripo kuti vaone zvose zvinenge zvichiitika kwete kuuya mazuva mashoma sarudzo dzisati dzaitika.
Izvi zvinotsigirwa nemukuru weZimbabwe Human Rights, ZimRights, VaOkay Machisa, avo vanoti vanoongorora sarudzo vanofanirwa kuuya munyika nekukurumidza kuti avo vanoda kuita mhirizhonga vatye nekuti panenge paine vanenge vakavatarisa.
VaMachisa vanoti vanoongorora sarudzo vanofanirwa kuramba vari munyika kana sarudzo dzapera nekuti pane dambudziko remhirizhongo mushure mesarudzo.
Vanoona nezvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, vanoti kuongororwa kwesarudzo kwakanaka chete kana vanoongorora vakauya nguva iripo uye vachienda kunzvimbo dziri kure kwete kuongorora mumaguta sevanhu vanenge vachibvakacha.
VaRuhanya vanoti dai zvaibvira vanoongorora sarudzo vasawongorori chete, asi vapihwe simba rekugadzirisa zvinenge zvichikanganiswa.
VaRuhanya vanoti vanoongorora vanofanirwa kuongorora kubva mukugadzirwa kwemapepa ekuvhota kusanganisira kufambiswa kwemanhamba anenge abuda musarudzo kubva kwavhoterwa kusvika kune munhu achazivisa zvinenge zvabuda musarudzo.
Asi gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti bumbiro remitemo rinopa masimba ekubvimira vanoda kuongorora sarudzo asi haritaure kuti ndiani anofanirwa kuvakoka.
VaZiyambi vasimbisawo kuti vanoongorora sarudzo vekunze havafanirwe kupindira mukufambiswa kwesarudzo.
Nezuro bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika rakakoka nyika makumi mana nenhanhatu, masangano gumi nemashanu nevanhu vaviri kuti vaongorore sarudzo dzegore rino.
Facebook Forum