Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuziva Huwandu hweZviwanikwa Zvayo


Mine entra
Mine entra

Gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, vavhura gungano reMine Entra zviri pamutemo muBulawayo vamwe vanhu vachikurudzira kuti pave nehurongwa hwekuti zvicherwa zviri munyika nehuwandu hwazvo, zviziikanwe kuitira kuti nyika isarasikirwe nehupfumi.

Mumashoko avo ekuvhura gungano reMine Entra zviri pamutemo, VaChitando vati zvicherwa ndizvo zviri kunyanya kuunza mari munyika, vakatiwo zvicherwa zvinogona kutungamira pakuvandudza hupfumi zvichienderana nechinangwa chehurumende chekuti hupfumi hwenyika hunge hwakura panosvika gore ra2030.

Vati hurongwa hwekuvandudza mutemo weMines and Minerals Act kuti uenderane nebumbiro remitemo yenyika hwave pachinhanho chepamusoro.

VaChitando vabvuma kuStudio7 kuti pane zvimhingamupinyi zvakawanda zvinogona kuvhiringidza huwandu hwemari inobva kuzvicherwa kusanganisira dambudziko rekushaikwa kwemari yekunze munyika pamwe nekuburitswa zvisiri pamutemo kwezvicherwa zvakadai segoridhe nemangoda.

Asi vati hurumende iri pakati pekugadzirisa matambudziko aya.

Mine Entra
Mine Entra

Panyaya yekutsutsumwa kwevamwe vanhu kuti vamwe vevashandi vemubazi ravo vanonoka kugadzirisa magwaro anenge achidiwa nevanoita zvezvicherwa, VaChitando vabvumawo dambudziko iri vakatiwo bazi ravo riri kudzidzisa vashandi varo kuti vaite mabasa avo nemazvo.

Vamwe vanhu pamusangano uyu vati zvakakosha kuti vakuru vakuru vehurumende vasangotaura chete nezvechinangwa chekuti hupfumi hwenyika hunge hwasimukira panosvika gore ra2030 asi kuti vaite zvose zvavanogona kuti veruzhinji vave vanofamba pamwe chete nehurumende mukuti chinangwa ichi chiitike.

Mumwe weavo vapinda mumusangano uyu, VaTendai Choto, vakurudzira hurumende kuti ive nehurongwa hwekuti zvicherwa zviri munyika pamwe nehuwandu hwazvo zviziikanwe kuitira kuti nyika isarasikirwe nehupfumi uhu.

Michsub Firm
Michsub Firm

VaChitando vabvuma kukosha kwakaita kuti nyika izive zvicherwa zvainazvo uye huwandu hwazvo vakati bazi ravo riri mushishi kugadzirisa kuti ripe marezenisi kune vanogona kuita izvi.

VaChoto, avo vane kambani yeQuipHire inotengesa zvimwe zvinoshandiswa nevanoita zvezvicherwa, vati aka ndekekutanga kuuya kugungano reMine Entra uye vati vanoona kuita izvi kuchivabatsira kushambadza kambani yavo.

Mumwe wevanhu vari kuMine Entra, VaEdson Kayerudza, vanoshandira kambani inotengesa mimwe michina inoshandiswa nevanoita zvezvicherwa.

VaKayerudza vatiwo ndekekutanga kuti kambani yavo ive paMine Entra vachitsinhirawo kuti kuve pagungano iri kunobatsira kuti kambani yavo iziikanwe.

Gungano reMine Entra regore rino, rakatanga neChitatu, uye riri kupera neChishanu.

Gungano iri rinowanzoitwa muna Chikunguru gore rega rega, asi gore rino rakanonoka kuitwa nekuda kwesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG