Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Zimbabwe Inofanirwa Kupedza Huori, Kuitira Kuti Nyika Ibudirire


President Emmerson Mnangagwa At Inaguration Zimbabwe Elections
President Emmerson Mnangagwa At Inaguration Zimbabwe Elections

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kuona kuti hupenyu hwemunhu wese hwasimudzirwa uye huori hwaparadzwa kuitira kuti nyika ienderere mberi.

Mashoko aya abuda pahurukuro dzaitwa muhurongwa hweMedia Centre neVoice of America hwaitirwa muHarare.

Nyanzvi idzi dzanga dzichitarisa kuti ramangwana renyika rinenge rakamira sei zvichitevera kugadzwa kwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nebudiriro, VaButler Tambo, vati kuti nyika ibudirire, huori hunofanirwa kupedzwa kuburikidza nekusunga nekuripisa vakabira nyika.

VaTambo vatiwo hurumende inofanirwa kuonawo kuti zvicherwa zviri munyika zvashandiswa mukusimudzira hupenyu hweveruzhinji.

VaTambo vatiwo VaMnangagwa vanofanirwa kugadza makurukota ane chiremera huye kuti zvikwereti zvenyika zvibhadharwe kuitira kuti Zimbabwe ive nehukama hwakanaka nevanokweretesa mari pasi rose.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vatiwo kuti nyika ifambire mberi, hurumende haifanirwi kungotarisira budiriro yemabhizimusi chete, asiwo kuti ivandudze hupenyu hweveruzhinji.

Nhengo yeZanu PF yapinda mumusangano uyu, VaTafadzwa Mugwadi, vatiwo danho rakatorwa nehurumende yaVaMnangagwa rekuvhura mikana yemabhizimusi kune vekunze, richabatsira mubudiriro yenyika. VaMugwadi vati zvekupa hupfumi kuvatema hazvina kuvaka mabasa munyika.

Asi munyori wevechidiki muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLovemore Chinoputsa, vati nyika haigoni kubudirira kana sarudzo dzichibirwa, ukuwo vemauto vachipindira munyaya dzenyika.

Chirongwa chanhasi chimwe chezvirongwa nhepfenyuro yeVOA ichange ichiita munyika senzira yekupa vanhu mukana kutaura vakasununguka kuitira kuti veruzhinji vazive nezuro, nhasi nemangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG