Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vovigwa neMhuri Yavo, Kwete neHurumende


Robert Mugabe

Vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi havasi kuzoradzikwa kumarinda eHeroes Acre mushure mekutadza kuwirirana kwaitika pakati pehurumende nemhuri yavo.

Mhuri yaVaMugabe yarambawo kuzivisa veruzhinji kuti vacharadzikwa kupi, uye riini.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vaenda kunobata maoko kumhuri yaVaMugabe kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale Brooke muHarare, vati vange vakumbira kuita musangano naAmai Grace Mugabe kuti vazeye nyaya dziri kunetsa asi vange vasati vawana mhinduro.

Asi vachipedza kutaura mashoko aya, VaMnangagwa vabva vaona mhinduro yavange vachitsvaga zvapa kuti vamwe vanhu vose, kusanganisira nhengo dzePolitburo, vaburitswe mumba pachigarwa dare.

Asi sematauriro azoita mutauriri wemhuri yaVaMugabe, VaWalter Chidhakwa, zvabuda pachena kuti zvakona n’anga murapwa achida zvokuti vanovigwa kumarinda emagamba.

Mashoko aya atsinhirwawo nemumwe muzukuru waVaMugabe, VaLeo Mugabe, pavataura neStudio 7 asi vachiramba kutaura kuti VaMugabe vacharadzikwa kupi, uye riini.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kubva zvakabviswa VaMugabe pachigaro nechisimba muna Mbudzi 2017, mhuri yavo naVaMnangagwa ave makara asionane.

Mhuri yaVaMugabe yaudzawo Studio 7 kuti vakatonyanya kurwara pavakapidigurwa nemauto muna Mbudzi 2017.

Asi vachitaura kuvanhu vange vakaungana nhasi, VaMnangagwa vati vakayedza napose pavanogona napo kubatsira VaMugabe.

VaMnangagwa vatiwo mumwe mutevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, avo vari kurwara vari kuChina vatumirawo mashoko enyaradzo.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, nevamwe vakuru mubato ravo vaendawo kumba kwaVaMugabe.

Vamwe vaendawo mudzimai wevaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, Amai Elizabeth Tsvangirai.

Mhuri yaVaMugabe yati kutanga musi weSvondo ndiyo inenge yobata basa uye iri kutarisira kuenda navo kwaMurombedzi vasati varadzikwa. Madzishe ekumusha kwavo kwaZvimba ambosangana kuzeya nyaya iyi. Madzishe aya akambosangana naVaMnangagwa.

Asi vachitaura pachiitiko ichi, VaMnangagwa varamba zviri kunyorwa nevamwe kuti vakayedza kupa madzishe chioko muhomwe kuti vati VaMugabe varadzikwe kuHeroes Acre.

VaMnangagwa vatiwo pane vatungamiri venyika gumi neimwe vachauya kuzochema VaMugabe nemusi weSvondo vanosanganisira mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa; mutungamiri weZambia, VaEdgar Lungu, pamwe nemutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta nevamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG