Accessibility links

Breaking News

European Union Yoronga Kutemera Vamwe Vakawanda muHurumende yeZimbabwe Zvirango


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Paramende yemubatanidzwa weEuropean Union nezuro wakaburitsa gwaro rine mashoko akasimba zvikuru ekukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ibvise nekukasika mauto nevechidiki vanonzi vari kushungurudza vanhu vachityora kodzero dzevanhu dzakatarwa nebumbiro remitemo yenyika.

Dare iri rinoti rinofunga kuti vanhu vane kodzero yekupinda mumapoka avanoda, uye kuratidza zvavanofunga murunyararo, uye kukurudzira kuti hurumende imire kunangana nevatungamiri pamwe nenhengo dzesangano revashandi reZCTU.

Dare re European Union iri riri kukurudzirawo kuburitswa muhusungwa kwevanhu vakasungirwa zvematongerwo enyika.

Dare iri riri kukurudzirawo mizinda yenhengo dzaro muZimbabwe kuti irambe ichitevera zviri kuitika munyika, uye kushandisa mikana yose kubatsira vanorwira kodzero dzevanhu.

Panyaya yezvirango, paramende iyi iri kukurudzira kuti European Council itarisire zvakare zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende pamwe nemakambani ehurumende, kusanganisira avo vakambobvisirwa zvirango izvi, senzira yekutsvaga chokwadi chemhirizhonga yakakonzerwa nehurumende.

Dare iri riri kukurudzirawo masangano eSADC neAfrican Union kuti ape rubatsiro ku Zimbabwe kuitira kuti igadzirise matambudziko ayakatarisana nawo.

Gwaro iri rakabuda musi uyo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasangana muHarare nevamiriri vedzimwe nyika vakavaudza kuti kuti Zimbabwe ibudirire panoda kubatana mukuvandudzwa kwehupfumi kwairi kuita zvichitsigirwawo neshanduko mune zvematongerwo enyika.

VaMnangagwa vakatorawo mukana uyu kukumbira zvakare kupasi rose kuti rivimbe neZimbabwe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti gwaro iri rabaya dede nemumukanwa uye zvinonyadzisa kuti Zimbabwe iwudzwe nezvekodzero dzevanhu vayo nevekunze.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG