Accessibility links

Breaking News

European Union Inoti VaMugabe neVamwe Vavo Zvipindaidzo Munyaya dzeShanduko


Zimbabwean President Robert Mugabe looks on during Defense Force Day Commemorations in Harare, (file photo - 10 Aug. 2010)
Zimbabwean President Robert Mugabe looks on during Defense Force Day Commemorations in Harare, (file photo - 10 Aug. 2010)

Dare reparamende reEuropean Union rinoti mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vepedyo muZanu PF, ndivo vari kuramba vachitadzisa shanduko munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nedzeupfumi nekuramba vachiondomora hupfumi hwenyika vachizvigutsa vega veruzhinji vachitambura.

Paramende iyi iri kukurudzirawo hurumende yeSouth Africa pamwe nesangano reSADC kuti vatorewo matanho akakodzera anokurudzira hutongi hwejekerere muZimbabwe pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

European Union iri kukurudzirawo kuti hurumende isadzinge vagari vekuHatcliffe Extension, avo vanonzi nesangano reAmnesty International, vari kuda kudzingwa sezvo vari kutadza kubhadhara mari yemitero inodiwa.

Mashoko aya anouya panguva iyo sangano reEU riri kukurudzirwa kuti ribvise zvirango zvarinonzi rakatemera Zimbabwe.

Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakanyorerawo mutungamiri wesangano iri tsamba vachivazivisa kuti mumiriri weZimbabwe kuEU, akadomwa naVaMugabe vari voga, zviri kunze kwechubvumirano cheGPA.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti Zimbabwe, senyika yakazvimirira, haineyi nezvinotaurwa neEuropean Union.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti European Union iri kuona kuzvuva makumbo kuri kuitwa neZanu PF muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG