Accessibility links

Breaking News

EU Inoramba Yakaranga VaMugabe neVamwe Vavo neZvirango


Sangano reEuropean Union rawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, nevamwe vakuru mubato reZanu-PF

EU inoti kunyange hazvo pave nehurumende yemubatanidzwa, hapana zvakawanda zvachinja nekuti Zanu-PF iri kuramba kuzadzikisa zvose zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.

EU yabvisa hayo vamwe vave vana muchakabvu pavanhu vakatemerwa zvirango vakaita saGeneral Vitalis Zvinavashe, vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoseph Msika, VaRichard Hove, nevamwe.

Pane makambani mamwe abviswa akaita seZISCOSTEEL, Industrial Development Corperation of Zimbabwe, Intermarket, Finhold neScotfin, kusanganisirawo mutungamiri mutsva we Zapu, Va Dumiso Dabengwa, avo vaimbova nhengo yeZanu-PF.

VaGabriel Shumba igweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reZimbabwe Exiles Forum. VaShumba vakanga vari kumuzinda weEuropean Union vachikurudzira kuti zvirango izvi zvisabviswe. VaGabriel Shumba vanoti Zanu-PF inofanira kuzadzikisa zviri muGPA kwete kungoti zvirango ngazvibviswe.

Asi bato reZanu-PF rinoti MDC ndiyo ine mutoro wekuona kuti zvirango izvi zvabviswa. Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti zvirango hazvifanire kubviswa pashoma nepashoma, asi kuti zvibviswe zvose kamwe chete, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ifambire mberi.

Mutauriri wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaJames Maridadi,vanoti zvave kugurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSimbarashe Mumbengegwi kuti vaone kuti hukama hweZimbabwe neEU hwamira papi.

VaMaridadi vatiwo VaTsvangirai pavo vakasakura vakazunza pavakaenda kuEU gore rapera vachikurudzira kuti idyidzane neZimbabwe.

XS
SM
MD
LG