Accessibility links

Breaking News

Mashoko Anoziviswa Pasi Rose neHurumende yeAmerica


Homwe yemubayiro unopihwa nebazi reAmerica rinodyidzana nedzimwe nyika, yeRewards for Justice program, iri kupa mari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kumunhu ane mashoko anoita kuti Mir nevamwe vose vakaita kuti Mumbai ibhomnbwe, asungwe nekuendeswa kujeri.

Musi waMbudzi 26, 2008, varume gumi vaive nepfuti, uye vachidyidzana nechikwata chemagandanga anopfurikidza mwero, icho chiri muPakistan, cheLashkar-e-Tayyiba, chakarwisa nzvimbo dzakawanda muMumbai kuIndia.

Chikwata ichi chakarwisa nzvimbo dzaishanyirwa zvakanyanya nevashanyi, chiteshi chezvitima, pamwe nemuzinda unoshandiswa nevanhu vechitendero chechi Jewish.

Kurwisa uku kwakaitika kwemazuva akawanda, uye vanhu zana nemakumi matanhatu nevatanhatu, vaibva munyika dzakasiyana siyana gumi nenomwe, vakafa, kusanganisira varwisi vacho vapfumbamwe, uye vanhu vanodarika mazana matatu vakakuvara muchiitiko ichi.

Murwisi akapona muchiitiko ichi, akaurayiwa zviri pamutemo muna Mbudzi 2012, asi Sajid Mir, murume akaronga zvose kuitira kuti kurwisa uku kubudirire, haasati asungwa kusvika pari zvino.

Mir akapomerwa mhosva nedare repamusoro remuIllinois muAmerica musi was Kubvumbi 21, 2011. Dare iri rakaburitsa magwaro ekuti Mir asungwe zuva rakatevera.

Mir akapomerwa mhosva yekuronga kuparadza zvinhu munyika isiri yake; kubatsira nezvikwanisiro vanoita zvakapfurikidza mwero, kubatsira mukuurayiwa kwechizvarwa cheAmerica chaive kunze kweAmerica; kubhomba nzvimbo dzinoshandiswa neveruzhinji.

Muna 2019, Mir akaiswa pamazita emagandanga ari kutsvagwa zvakanyanya nebazi rematikitivha muAmerica.

Homwe yemubayiro unopihwa nebazi reAmerica rinodyidzana nedzimwe nyika, yeRewards for Justice program, iri kupa mari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kumunhu ane mashoko anoita kuti Mir nevamwe vose vakaita kuti Mumbai ibhomnbwe, asungwe nekuendeswa kujeri.

Sajid Mir akaberekwa muna 1976 kana 1978 mu Lahore, Pakistan. Akareba zviri pakati pemasendimita zana nemakumi matanhatu nemashanu kusvika pazana nemakumi matanhatu nemanomwe, uye anorema makirogiramu makumi matanhatu.

Semaziviro eFBI, Mir ane chiso chine vanga pashaya yekuruboshwe, uye vanga pamusoro peziso rake rekurudyi.

Ani nani zvake ane ruzivo rwekuna Sajid Mir anofanirwa kutumira mashoko kuRewards for Justice achishandisa Whatsapp, Telegram, kana Signal panhamba dzinoti + 1 202 702 7843.

Zvose zvinotambirwa neRewards for Justice hazviburitswe pachena.

Ichi chiziviso chiri kutumirwa pasi rose nehurumende yeAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG