Accessibility links

Breaking News

Mashoko Aya Anoburitsa Pamire America Pane Zviri Kuitika muChina.


U.S. Secretary of State Mike Pompeo speaks during a news conference in Vienna, Austria, Aug. 14, 2020.
U.S. Secretary of State Mike Pompeo speaks during a news conference in Vienna, Austria, Aug. 14, 2020.

Kubva mugore ra 2017, China iri kuenderera mberi nekushungurudza kwayo vanhu verudzi rwechi Uyghur, vechi Kyrgyz, pamwe chete nevechitendero chechi Moslem mudunhu reXinjiang.

Izvi zvinotevera kugadzwa muna 2016, kwa VaChen Quanguo, senhengo yedare rePolitburo, pamusoro pekuve kwavo munyori mukuru webato re Communist Party mudunhu rinofanirwa kuzvitonga re Xinjiang Uyghur, uko vari mukuru zvekare we masangano ari pasi pehurumende yeChina.

Kubva pavakasvika, VaChen Quanguo, vakatanga kusora vanhu, kuvavharira muhusungwa pamwe nekuvamanikidza kudzidza gwara rebato riri kutonga.

Zvese izvi vaizviita vakanyanya kunangana nevanhu verudzi rwechi Uyghur nevatendi vemakereki madiki.

Panguva ino, mazana nemazana evanhu vechiUyghur, vechiKyrgyz nevechitendero chechi Moslem vari muhusungwa pamusoro pezvinhu zvisina maturo, zvakaita sekuregera ndebvu dzichikura, kana kuramba kunwa hwahwa.

Hurumende yaVaDonald Trump muAmerica yakazvipira kuchengetedza kodzero dzevanhu kwese kwese.

Nepamusana pekushungurudzwa vanhu kuri kuitwa uku, mapazi eAmerica anoona nezvemari, pamwe nerezvekudyidzana nedzimwe nyika, akatemera zvirangopavakuru vanoona nezvekugadzikana mudunhu iri, VaChen Quanguo naVaWang Mingshan; mumwe wevakuru vebato muXinjiang, VaZhu Hailun; vaimbove mumwe wevakuru vaiona nezvekuchengetedzwa kwedunhu, VaHuo Liujun; vaimbove munyori webato mudunhu iri, VaSun Jinlong; uye nevaimbove mutevedzeri wemunyori mudunhu iri, VaPeng Jiarui.

Bazi rezvemari muAmerica rakatemeravo zvirango pamakambani ehurumende paishandwa nevanhu ava, zvinoreva kuti havachabvumidzwa kupinda muAmerica uye mari dzemakambani aya dziri muAmerica, pamwe nenyika dzinodyidzana neAmerica, hadzichakwanisi kutorwa kana kushandiswa.

America iri kurwira kuchengetedza kodzero dzevanhu veku China kupfuura nyika ipi zvayo.

Gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa neChinese Communist Party chitema chikuru chisati chambonekwa kwemakore mazhinji.

“Hurumende yaVaTrump iri kutungamirira dzimwe nyika mukuranga China pamusoro pakudzvanyirira vanhu, kusunga vanhu, kuvavharira, kuvasora, kuvashandisa zvisina mubhadharo, pamwe nekuvamanikidza kusaita mhuri,” vanodaro VaPompeo.

VaPompeo vatiwo America ichaenderera mberi ichitora matanho ekuranga vari kushungurudza pamwe nekudzvanyirira vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG