Accessibility links

Breaking News

Mushandira Pamwe weMokeng neAmerica


US QATAR
US QATAR

Musi wa Gunyana 11, America, Cambodia, Laos, Myanmar, Thailand, Vietnam, nesangano re ASEAN dzakaumba mushandirapamwe weMekong neAmerica, kana kuti Mekong-U.S. Partnership.

Mushandirapamwe uyu unoratidza kukosha kwedunhu reMekong kuAmerica uye kuwedzera kushanda pamwe kwakatanga muna 2009 pasi pechirongwa che Lower Mekong initiative.

“Tichavaka tichitevera basa rakanaka re Lower Mekong Initiative nemabhiriyoni matatu nemamiriyoni mashanu emadhora ($3.5 billion)yemari yekubatsira dunhu yakabva kuAmerica mumakore gumi nerimwe adarika,” vakadaro gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaMike Pompeo mumashoko avo.

Pamusangano wekuparurwa kwemushandirapamwe weMekong neAmerica weMekong-U.S. Partnership, America yakazivisa nezvemari inodarika mamiriyoni zana nemakumi mashanu emadhora, kana kuti $150 million yekubatsira dunhu reMekong.

Pamari iyi, mamiryoni makumi mashanu nemaviri emadhora kana kuti $52 million ndeyekutsigira chirongwa chekupona kubva kuCOVID-19, mamiriyoni makumi mashanu nemashanu emadhora kana kuti $55 million inenge iri yekurwisana nemhosva dzinodarika miganho yenyika dzakasiyanasiyana, mamiriyoni makumimatatu nematatu emadhora kana kuti $33 million, ichabatsira kusimudzira misika yemhando dzemoto, uye mamiriyoni maviri emadhora kana kuti $2 million, ichabatsira mukurwisana nekufambiswa kwevanhu zviri kunze kwemutemo.

Mushandirapamwe weMekong neAmerica wakazvipira mukuzvitonga, kusununguka kwehupfumi, hutongo hwejekerere, nekukura kunochengetedzeka kwenyika dziri mugungano iri.

“Tatsigira kukura kwehupfumi nemari inodarika bhiriyoni imwe chete yekugadzira zvivakwa munyika dziri pasi pedunhu re ASEAN kuburikidza neU.S. International Development Finance Corporation (DFC), nehurongwa hwekudyara mamwe mabhiriyoni mumakore anotevera,” vakadaro VaPompeo.

Vakayambira zvakadaro nezvechidikwadikwa chekutarisana nematambudziko akatarisanwa nawo, “kusanganisira ayo anobva kubato reChinese Communist Party (CCP), iro rinoramba richitysidzira zviwanikwa nekusununguka kwehupfumi mudunhu reMekong.”

Matanho eCCP ekuita zano ndega pakuvhara mvura kumusoro awedzerawo dambudziko rekushaikwa kwemvura kwemakore. America inomira nedunhu iri pamwe nekomisheni inoona nezvemvura yemuna rwizi Mekong, reMekong River Commission mukukurudzira kuti ruzivo rwunenge rwaunganidzwa rwugovanwe zviri pachena.

“Tinokurudzira nyika dziri mudunhu reMekong dzimanikidze CCP kuti imire nemhiko yayo yekuvimbisa kuzivisa ruzivo rwainenge yaunganidza rwakanangana nemvura. Ruzivo irworwo rwunofanirwa kuve pachena rwuchionekwa nevanhu vose. Rwunofanirwa kuburityswa gore rose,” vakapika vachidaro VaPompeo. “Uye rwunofanirwa kugovanwa kuburikidza nekomisheni yeMekong River Commission, sangano rinotungamidza zvido zvenyika dziri mudunhu reMekong, kwete zve Beijing.”

America iri kushushikana zvakare nezvekwereti zvine chewkuita nezvivakwa uye kuhwandira nekusajeka kwenzira dzemabhizimusi emakambani ehurumende ye Beijing, akaita seChina Communications Construction Company. Imwe nyunyuto ndeyekukwira kwekufambiswa kwevanhu zvisiri pamutemo, zvinodhaka, nemhuka dzesango, zvizhinji zvacho zvichibva kumasangano, makambani, nenzvimbo dzine mitemo yakasiyana nedzimwe dzemunyika, kana kuti special economic zones dzinodyidzana neCCP.

Kuburikidza nemushandirapamwe weMekong neAmerica, America inotarisira kudzivirira zvido zveshamwari dzayo nekubatana kuitira runyararo, kugadzikana nebudiriro mudunhu reMekong.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG