Accessibility links

Breaking News

Makore Makumi Manomwe neMashanu Mushure meHondo yePasi Rose yeChipiri


FILE - This Nov. 11, 2004, file photo shows The USS Missouri's main battery of three 16-inch/.05 caliber gun turrets in Pearl Harbor, Hawaii.
FILE - This Nov. 11, 2004, file photo shows The USS Missouri's main battery of three 16-inch/.05 caliber gun turrets in Pearl Harbor, Hawaii.

Musi wa 2 Gunyana izuva rekucherechedza kupera kwehondo yepasi rose yechipiri, kana kuti Second World War 11.

Musi uyu, makore makumi manomwe nemashanu apfuura, Japan yakasaina magwaro ekubvuma kukundwa kwayo muhondo iyi.

Magwaro aya akasainwa mungarava yaive mumahombekombe meTokyo yeUSS Missouri pakati pevamiriri veAmerica neJapan.

Zvichitevera kutambira kukundwa kweGermany musi wa 8 Chivabvu, hondo yepasi rose yechipiri yainge yapera muEurope. Asi zvisineyi, kurwisana kwakaramba kuchienderera mberi mudunhu rePacific, uye hondo yakaramba ichitsviriridza kudzamara Japan yakanda zvombo pasi.

Musi wa26 Chikunguru, mazuva gumi mushure mekunge America yagutsikana nekushanda kwebhambu re atomic, America nemadzisahwira ayo muhondo iyi, vakabudisa gwaro rinonzi Potsdam Declaration raiudza Japan zvayaifanirwa kuita mushure mekubvuma kuti yakundwa muhondo iyi.

Japan yakaudzwa kuti ikaramba kuita zvakange zviri mugwaro iri, yaizoparadzwa zvechimbi chimbi.

Asi Japan yakaramba kutambira zvakanga zvatarwa mugwaro iri.

Izvi zvakapa chikonzero chekuti Japan irwiswe, uye ikundwe muhondo iyi, chinhu chaive mutoro mukuru kwazvo.

Kwemakore anodarika matatu, America nemadzisahwira ayo mudunhu rePacific, vakakutsirana Japan muhondo yakakurisisa yakaitwa mugungwa rePacific nezvitsuva zvaro, izvo zvakakonzera kuti vanhu vakawanda nemauto mazhinji emuJapan, vazviuraye.

America yakazviona kuti kana ikapinza mauto ayo muJapan, zvaizokonzera kufa kwevanhu vazhinji kumativi ose.

Zvakazorongwa kuti hondo iyi ipere zvachose nekukurumidza. Mushure mekudonhedza magwaro aiyambira kuti Japan icharwiswa pamwe nekukurudzira veruzhinji kuti vabve munzvimbo dzavainge vagere, America yakakanda mabhambu maviri mumaguta maviri eJapan mukati memazuva matatu.

Vakuru vakuru vemuJapan vakazviona kuti hondo iyi vakanga vasingaikunde, uye nemusi wa 14 Nyamavhuvhu, Mambo wemuJapan, Hirohito, vakazivisa kuti nyika yavo yaizotambira kukundwa kwayo.

“Nhasi pfuti dzanyarara,” vakadaro General Douglas MacArthur, avo vakatambira kubvuma kukundwa kweJapan vakamirira madzisahwira avo pamhemberero dzakaitwa mungarava yehondo yeUSS Missouri.

"Dambudziko guru rekurwisana rapera. Kukunda kwakadzama kwaitika. Matenga haachadonhedzi mvura yerufu – makungwa oshandiswa mukusimudzira hupfumi hwepasi rose, varume, kwese kwavari, vofamba vakatwasuka zuva rakacheka nyika. Pasi rose riri murunyararo. Chinangwa chazadziswa.

“Kumatunhu ari muPacific, kwava nerusununguko. Nhasi, rusununguko ndirwo rwuri kurwirwa, hutongo hwejechetere huri kuenderera mberi. Nhasi, munyika dzemuAsia, pamwe nemuEurope, vanhu vane rusununguko vari kunzwa kutapirirwa nehutongo hwejechetere, kuzorodzwa kubva mukugara munhu achitya,” vakadaro General MacArthur.

Musi wa 2 Nyamavhuvhu 1945, hondo yepasi rose yechipiri, yainge yapera zvechokwadi, uye nhoroondo itsva, ichibva yatanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG