Accessibility links

Breaking News

Econet Yoiswa Parumananzombe neMapurisa neNyaya yeNharembozha yaVaBiti


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti paita mbeu yakaipa iri muhurumende yemubatanidzwa iri kuda kuita hwaChimusoro hwekubvoronga muto kuitira kuti hurumende iyi iyende kumawere nekuvasunga.

Vamwe vakuru mumapurisa vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti bazi reCID Serious Fraud Squad ratanga kuferefeta VaBiti vachipomerwa mhosva yehuori uye kushandisa hofisi yavo zvisizvo kana kuti "Crimnal abuse of office."

Mapurisa achishandisa mutemo weInterception of Communication Act ari kukumbira Econet kuti ivape nhoroondo yekufona kana kufonerwa kwaVaBiti kuti vaite ongororo iyi. Mapurisa akatopihwa mvumo nedare ramajisitireti kuti Econet ivape mvumo yekuwana nhoroondo yekufona nekufonerwa kwaVaBiti.

Asi magweta aVaBiti akakwidza nyaya iyi kudare reHigh Court achipikisa mutongo wamajisitireti achiti Econet haifaniri kumanikidzwa kupa mapurisa nhoroondo yekufona kwavo.

Dare reHigh Court richazeya nyaya iyi neChitatu. VaBiti vanoti zviri kuitwa nemapurisa kuda kuvashingurudza.

Magweta eEconet audza Studio7 kuti maoko avo akasungwa uye vachapa mapurisa zvavari kuda kana dare rati vapihwe. Vanotizve mapurisa akatotaura kare kuti kutadza kuita izvi zvinoreva kuti vachatorerwa rezenisi.

Mutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, vati havasati vapirwa nyaya iyi.

Asi nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro weNCA, Professor Lovemore Madhuku, vanoti zviri kuda kuitwa kuna VaBiti kuda kuvhiringidza hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG