Accessibility links

Breaking News

Econet Inomisa Kubudisa Nhau dzeMDC paNharembozha


Kambani yeEconet Wireless yavhara maraini embozhanhare eMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ange achishandiswa nebato iri mukuburitsa nhau dzaro mushure mekunge kambani iyi yatyisidzirwa nevakuru vakuru muZanu-PF vari muhurumende yemushandira pamwe.

Svondo rapera MDC yakaparura chirongwa chinonzi Voice of Real Change chinenge chichipa vanhu nhau mururimi rweChishona, Ndebele neChirungu.

Asi bepanhau reHerald rakabva ratyisidzira Econet richiti ichatorerwa rezenisi ikaramba ichibatsira MDC mukutepfenyura nhau idzi. Kunyange hazvo Econet yakambomisa kutepfenyura, Telecel neNet-One hadzina kumira kuita izvi.

Asi vamwe vakuru muZanu-PF vaudza Studio 7 kuti makambani asara aya achamiswa kuita izvi. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti hurongwa uhu hausi kuzomiswa nekuvhundutsirwa.

XS
SM
MD
LG