Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzinoti Kudzinga Vakuru Vakuru Mabasa Hakupedze Matambudziko Ari Muzvipatara


Vakoti vachiratidzira pachiptara cheParirenyatwa
Vakoti vachiratidzira pachiptara cheParirenyatwa

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kudzingwa basa kwevamwe vakuru vakuru vezvipatara zvehurumende munyika hakuna zvakawanda zvakunonyanya kubatsira.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Nurses Association VaEnock Dongo vati kundodzinga vakuru ava hakuna zvakanyanya zvakunobatsira sezvo paine zvakawanda zvinoda kugadziriswa munyaya dzezvehutano kunyanya nyaya yemari yemihoro yavakoti navana chiremba pamwe nevamwe vashandi vezvehutano. Vatiwo Health Services Board pachayo inofanirwa kugadziriswa.

Health Services Board yakazivisa neSvondo nezvekudzingwa kwevakuru vakuru vezvipatara zvehurumende zvinoti Parirenyatwa, Sally Mugabe, Chitungwiza, United Bulawayo Hospitals uye Ingutsheni.

Mukuru weHealth Services Board Dr Paulinos Sikosana vaudza bepanhau reHerald kuti vakuru vakuru ava vakamiswa basa sezvo bhodhi ravo riri kuda kushandura mashandiro ezvipatara izvi.

Hatina kukwanisa kubata Dr Sikosana sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vati hapana zvavanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi vachiti Dr Sikhosana ndivo vanoziva zvose.

Mumwe wevadzingwa basa asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti vakangonzi basa rapera sezvo bhodhi rave kuda kuvandudza zvinhu.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health VaItayi Rusike vaudza Studio 7 kuti matambudziko munyaya dzezvehutano angagadzirisika kana Health Servces Board pachayo yagadziriswawo.

Chiremba vanoshanda vari kuAmerica Dr Simbiso Ranga vati dambudziko guru rinofanirwa kugadziriswa inyaya yekuti vashandi munyaya dzezvehutano vapiwe mari yemihoro yakafanira kwete kuti vakuru vakuru veHealth Services Board vave ivo vanopura nyembanemusana vashandi vachitambura.

Pari zvino vana mukoti munyika vari pakati pekuramwa mabasa vachiti mari yavanowana haichaite kuti vakwanise kuramba vachienda kumabasa. VaDongo vati nekuziva kutambura kuri kuita ruzhinji rwemunyika vakazvipira kuenda kumabasa kana hurumende ikangogadzirisa zvichemo
zvavo.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehutano uku kunonzi kwave kupa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati vavr kufunga kusimbisa zvakare kurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba kana kuti lockdown muHarare neBulawayo.

Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu mazana maviri nemakumi masere nevasere kana kuti 288 nechirwere ichi muHarare uye zana nemakumi masere nevatatu kana kuti 183 kuBulawayo. Dr Ranga vanoti danho rakadai rinoda kuitwa kana hurumende yanyatsokurukura nevanhu kwete kuita fungira mumoyo rwendo rwembwa.

VaRusike vatsinhirawo izvi vachiti kudzorera lockdown munyika kunowedzera kuti veruzhinji vatambure sezvo vanhu vakwanda vachizvishandira vega.

Huwandu hwevanhu vave kutapurirwa chirwere munharaunda hwave kutemesa nyanzvi dzezvehutano musoro sezvo vamwe vachitiwo vanhu vari kuvhenekwa chirwere ichi munyika vachiri vashoma zvekuti vabatwa nacho vanogona kunge vakatowandisa. Vamwe vave kuonekwa kuti vane chirwere ichi vatoshaya.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG