Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeZanu-PF Dzoramba Dzichiratidzira Kusatambira Sarudzo dzemuBato Iri


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Dzimwe nhengo dzebato reZanu-PF kuChegutu neMhangura dzakaratidzira nemusi weSvondo dzichiti hadzisi kufara nemabatirwo akaitwa sarudzo dzemaprimary mubato iri.

Zvinonzi bato rakatambira zvakabuda musarudzo dzenhengo dzedare reparamende mumatunhu mazana maviri asi rikati dzimwe gumi kusanganisa muHarare neMashonaland West dzidzokororwe nenyaya dzezvikonzero zvakasiyana siyana kusanganisa kubiridzirwa.

Vatsigiri vemumiriri weChegutu muparamende uye vakambonzi vakunda musarudzo dzemaprimary VaDexter Nduna dzakaratidziranemusi weSvondo dzichiti hadzidi kuti sarudzo dzemaprimary idzi dzidzokororwe.

Chegutu West imwe yedzimwe nzvimbo ina dzinosanganisira Chinhoyi, Makonde neZvimba West dzakanzi sarudzo dzidzokororwe nekuti dzainge dzisina kufambiswa zvakanaka.

Zvinhu zvakatozonyanya kuipa muChegutu apo VaNduna vakaridza pfuti kana mudenga vachiti hupenyu hwavo nehwevamwe vavo hwainge hwave panjodzi vachirwiswa nevaivakwikwidzana navo musarudzo idzi.

Asi vatsigiri vavo vanoti hapana chekuti vadzokorore sarudzo idzi sezvo pane nzvimbo imwechete panzvimbo gumi neshanu isina kufamba zvakanaka iyo yakaita mhirizhonga apo vanhu vatanhatu vakasungwa. Amai Gladys Maphosa mumwe wevaratidzira nhasi muChegutu.

Amai Maphosa vanoti mapurisa akaitisa sarudzo anopupura kuti VaNduna ndivo vakakunda zvisina kubirira.

Imwe nhengo Amai Maidei Sango vanoti havadi sarudzo kuti dzidzokororwe vanopomera Amai Edna Madzongwe mhosva yekukonzera kusagadzikana muChegutu vachitiwo vaitsigira chikwata cheG40.

Izvi zvinotsigirwa naVaBenjamin Kwarangu avo vanoti chinoshamisa ndechekuti nhengo dzaikuza Amai Grace Mugabe nguva yakare dzakaita saAmai Madzongwe ndidzo dzave pamberi kuvasarudzira vamiriri.

VaFarai Dzimbiri vanoti VaNduna vanofanirwa kumira musarudzo dzose dzinoitika munzvimbo yeChegutu.

Sarudzo dzemuChegutu dzinonzi dzidzokororwe asi VaNduna vasapinde musarudzo sezvo vaine nyaya dziri kumatare edzimhoswa dzinechekuita nemhirizhonga.

Amai Madzongwe vanoti vanhu ngavarege kusvibisa zita ravo vachiti hapana munhu wavanoda mubato kudarika mumwe. Vanoti chavanoda kuti bato ravo rikunde musarudzo zvisinei kuti ndiani nhengo.

KuMhangura kwaita kuratidzirwawo nevanotsigira mumiriri weMhangura mudare reparamende VaDouglas Mombeshora avo vakakundwa naAmai Presious Chinhamo-Masango.

Vatsigiri ava vanoti zvakabuda musarudzo zvakashandurwa kuti Amai Masango vanzi vakunda vachiti mavhoti akaverengwa VaMombeshora vainge vakakunda nemavhoti mashanu.

Asi VaMombeshora vanoti havana kuti vanhu varatidzire. Vose varatidzira vane chivimbo chekuti zvichemo zvavo zvichanzwikwa nevakuru vemusangano.

Nhengo zhinji dziri muPolitburo kusanganisa VaPaul Mangwana naVaChris Mutsvangwa vakakundwa musarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG